Mafoni muchikoro: Toringepi?

29 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Mafoni muchikoro: Toringepi?

Kwayedza

22012015KWA-MAI-HAR-09VAMWE vana vechikoro vanoti vanotsigira danho regurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, ekuti vakuru vezvikoro vanofanira kubvumira vadzidzi kushandisa nharembozha panguva yavanenge vari kuchikoro.

Dr Dokora svondo rapera vakati vakuru vezvikoro vanofanira kufambirana nenguva kuburikidza nekutendera vana kuti vashandise nharembozha muzvidzidzo zvavo.

Zvisinei, danho iri rinogashirwa nepfungwa dzakasiyana nevabereki zvose nevana vechikoro.

Tatenda Alubi (12), uyo ari kuita Grade 7 paTasimukira Primary School, kuChitungwiza, anotsigira danho raDr Dokora achiti nharembozha dzakakosha nekuti dzine ruzivo rwechizvino-zvino rwakadai seGoogle urwo rwunobatsira mukudzidza kwevana.

“Vamwe vana vanogona havo kuita misikanzwa nadzo vachitumirana zvinyadzi asi chakakosha ndechekuti tinge tichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino mukudzidza sezviri kuitwa kudzimwe nyika,” anodaro Tatenda.

Memory Mamutse (13) wekuSt Aidan’s Primary, kuChitungiwza zvakare, anoti nharembozha dzinofanirwa kubvumirwa muzvikoro kuitira kuti vana vakwanise kufonera vabereki vavo kana vachinge vasangana nematambudziko.

“Mwana anogona kurohwa zvekusvika pakukuvara saka haangakwanisi kukumbira mudzidzisi iyeye anenge amurova foni nekuti anenge achitotyawo kusungiswa. Kana mwana aine nharembozha yake anokwanisa kufonera mapurisa kana hama dzake kuti abatsirwe,” anodaro.

Zvisinei, Blessing Magaya, uyo ari kuita Form 4 paQueen Elizabeth High, muHarare, anoti nharembozha dzinofanira kurambidzwa muzvikoro nekuti dzinoita kuti vana vasafunda zvakanaka.

“Zvinhu zvinonetsa kuti varairidzi vazoona kuti mwana mumwe nemumwe ari kushandisa nhare yake nenzira ipi sezvo unenge uri mudziyo wake waanenge akatengerwa nevabereki vake. Saka ndinoti zviri nani dzirambidzwe muzvikoro nekuti dzinokonzera ruzha panguva yekufunda zvekuti vamwe vana vanotogona kukundikana kuterera murairidzi apo vanenge vave kungotamba nenharembozha dzavo,” akadaro Magaya.

Tafadzwa Chigova, uyo anodzidza pachikoro chimwe chete ichi, akatsinhira achiti bazi redzidzo rinofanira kutanga raita ongororo yakasimba pamusoro penyaya iyi.

“Vamwe vadzidzi vanogona kutora mukana uyu kukopera bvunzo nekuti vanenge vave kungoshandisa dandemutande reGoogle. Izvi zvinoita kuti vamwe vana vasaverenge zvakasimba nekuti vanenge vave kutemba ruzivo rwemasaisai, saka mwana anoonekwa kunge anogona iye asingatogoni zvachose,” anodaro Chigova.

“Pamusoro paizvozvo, ndinoti zvikoro zvinenge zvichitendera nharembozha idzi zvinofanira kuona kuti dzashandiswa bedzi panguva yebhureki kwete yezvidzidzo. Munongoziva kuti kana foni ikatangisa kurira kana iye murairidzi anotogona kukanganwa zvaange achida kufundisa uye nguva yekudzidza inotogona kudyiwa mwana ari pafoni zvopedzisira zvave kukanganisa dzidzo.”

Trish Mutanda (13) anofunda kuSt Joseph Mapfumo, kwaChikwaka, anotiwo nharembozha dzine zvadzakanakira kana kuipira kana dzichinge dzashandiswa nevana muzvikoro.

“Kana mwana akaita dambudziko ari pachikoro panenge pachida kufambiswa kwemashoko kuvabereki nekukasika kuti abatsirwe asi vamwe vana vanogona kuzoshandisa nharembozha dzavo kutumirana mashoko erudo kana zvinyadzi, kunyeya murairidzi ari pamberi pekirasi zvekuti anotozongoshamisika kuona kirasi yese yave kuseka,” akadaro Mutanda.

Mai Shelton Muchena (25) vekuChishawasha vanoti zvikoro zvinofanira kubvumidza vana kuti vashandise nharembozha.

“Zvakakosha kuti vana vange vaine nharembozha, zvikuru vaye vanodzidza kumabhodhingi, nekuti ndivo vanowanzosangana nematambudziko apo vanenge vari kure nevabereki,” vanodaro.

Mercy Mamutse (16) wepaSeke 5 High akati nharembozha dzinovhiringa dzidzo.

“Isu pachikoro pedu vana vanotosechwa mumabhegi avo kana pachinge paita fungidziro yekuti pane ari kushandisa nharembozha. Nharembozha dzinokanganisa kudzidza kwevana nekuti mwana wechikoro anotogona kufonerana nemumwe anenge ari mune imwe kirasi achibvunza maanza ezvinhu zvaanenge ari kudzidziswa. Vamwe vanotogona kuswera vachiita nyaya panhare pachinzvimbo chekuti vange vachidzidza kana kutoita zverudo,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links