Mafungiro evana pakuvhurwa kwezvikoro

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VAMWE vana vechikoro vanoti vazvipira kudzidza nesimba mutemu yekupedzisira yegore zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro neChipiri svondo rino apo vatarisana nekunyora bvunzo.

Kwayedza yakaita ongororo kuzviteshi zvinokwirirwa mabhazi zvinosanganisira kuRotten Row nekuna Simon Muzenda Street (Fourth Street) ndokuona riri besanwa vabereki vachiperekedza vana vavo kuzvikoro zvemabhodhingi.

Vashandi vesangano rinoona nezvekufamba kwakanaka mumigwagwa, reTraffic Safety Council of Zimbabwe, vaionekwawo vachipinda mumabhazi vachishambadza mashoko echenjedzo maringe nemafambiro akanaka, zvikuru kuvatyairi.

Zvisinei nedzidziso iyi, mabhazi akawanda echikoro nemakombi akazvimirira aitakura vana vechikoro pachiteshi chekuRotten Row aizadza vana nezvimwe zvinhu pamusoro nemukati.

“Tiri kupinda mumabhazi tichivayambira kuti vafambe zvakanaka nevana uye kuti vasanyanya kuzadza vanhu sezvo zvichiita kuti matayi emotokari agumisire aputika zvichizokonzera tsaona,” anodaro mumwe mudzimai anoshanda kusangano reTSCZ uyo asina kuda kuti zita rake riburitswe.

Zvakadai, vamwe vana vechikoro vanoti vanofara kudzokera kuchikoro mushure mezororo.

“Ini kutaura chokwadi ndainge ndakazorora zvangu kumba nekuti ndizvo zvinoreva zororo. Zvandava kudzokera kuchikoro kudai ndinototi basa ramuka, ndava kunoita zveko nekuti chinangwa changu ndechekuti ndibudirire muupenyu,” anodaro Nomsa Sibanda uyo ari kuita Form 3 paKwenda High, kuHwedza.

Mashoko ake anotsinhirwa naLaiza Mashaya (15) ari Form 3 paDendera High iri kuMudzi achiti anofarira zvimwe zvezvidzidzo zviri muNew Curriculum.

“MuNew Curruculum ndinonyanya kufarira zvidzidzo zveFamily, Religion and Moral Education. Ndakaona zvichitibatsira kuti tikure tiri vana vane hunhu uye vanotya Mwari,” anodaro Sandra Chabhanga (15) anodzidza pachikoro chimwe chete ichi.

“Pachikoro pedu takaropafadzwa nekuti pane zvekushandisa zvakakwana muzvidzidzo zveNew Curriculum uye tine varairidzi vakafundira zvidzidzo zvacho. Tine makombiyuta ekuita zvidzidzo zveInformation Communication Technology (ICT),” anodaro.

Hanzvadzi yake, Prosper Chabhanga (10) – uyo ari kuita Grade 4 paHarare Central Prison Primary – anoti muNew Curruculum ari kuomerwa nechidzidzo chezvekurima, cheAgriculture.

“Agriculture yakandiomera uye vadzidzi vakawanda vakaifoira nekuti takangonyoreswa bvunzo dzakafanana nedzevana vari muGrade 5. Kunyangwe zvatakanga tiri kudzidza zvakangofanana zvisinei nekuti isu tichiri padanho repasi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey