Magamba: Tendai muchero uwe

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Magamba: Tendai muchero uwe

Kwayedza

MWEDZI waNyamavhuvhu wauya wakagukuchira.

Ah! Ari pano ari kukosora, ari papa ari kungohetsura. Miti yemigwavha nemandimu zvapera. Mwaka unenge wangoda kuuya uine zvawo, asi hapana chisingapfuuri.

Kunyange zvako kuchiri kutonhora, asi zvave kuratidza zvishoma nezvishoma, kuti chando chava kunopera. Vamwe vave kutoti masikati kwave kunyanya kupisa. Pamwe ndivo vavamwe vasati vabatwa nechikosoro nedzihwa rapararira nyika yese.

Nyamavhuvhu mwedzi wakakosha, kunyanyanya tave kufunga nhaurwa yandaive nayo svondo rakapfuura, nyaya yematatenda kune vanhu vakarwira rusununguko rwenyika.

Vakatungamirirwa vana, basa rikabatwa zvakanaka. Hongu vamwe vakasara mumasango, asi vakayambutswa, vakauya nenyika.

Kutenda nokusatenda zvasariresu. Asi vakuru vanoti, tendai muchero uwe, kana kuti ubereke zvakanyanya, kunyanya ipo pano pazororo reHeroes, zororo remagamba.

Mukwende anodawo kuyambira kuti pane mweya iri kungodzungaira, mweya isinei nezvatakataura svondo rapfuura, mweya inoda kuti tizvibvunze kuti chii chaizvo chatichazokoshesa paupenyu, tikasateramisa hana toona kuti zvechokwadi pane vana – vaidawo kurarama – asi vakaparara vachirwira rusununguko rwako iwewe neni.

Zvinoshamisa kuti tasara namazuva mashoma okurangarira magamba akatisiya muhondo yeChimurenga, unoverenga mune pepanhau reDaily News kuti kuri kurongwa kuita toyi toyi, vanhu vachiratidzirira, vachiramba mari yema”bond notes”, iri kuda kuunzwa neHurumende.

Ichokwadi, kuti muZimbabwe mune vanhu vanoda kuratidzira nokuramba chinhu chavasati vamboona. Vakaudzwa nezvamabond notes, asi mweya wokuhakira wakapinda muvanhu, vakati, kwete hatiade.

Unoramba mabond notes kuti wakamboaona? Choshamisa ndechokuti kana mari yokuSouth Africa – maRands – ari kurambwa, mari yavaidada vayo, vachiramba yavo. YokuChina iri kurambwa zvakare. Vanhu vari kuda mari yokuUnited States of America – maUS$ – asingakwanisi kudhindwa neReserve Bank of Zimbabwe.

Pasi pomusuva wesadza tinoziva kuti pane pfungwa yokubvisa Hurumende yeZanu-PF pachigaro, asi kunyanya-nyanya pfungwa yokuti mutungamiri wenyika President Mugabe vabve pachigaro nechisimba.

Inyaya yatakabva nayo kure kure kubva VaMugabe vachienda pachigaro muna 1980, tikaziva kuti vachatsvaga nzira dzipi nedzipi, kusangansira kushandisa vavanodya navo mundiro kuona kuti vavabvisa pachigaro. Tovayeuchidza kuti vangadye mari dzavari kupihwa, asi kumakata. Vazhinji vakazviedza, asi nhasi vakasiiwa pachena, ivo ndivo vave kutambura.

Hazvinaki kuti vanhu vauyeuke magamba, nyika yakakwidibirwa nehore.

Asi tingafungewo kuti hore iyi iri muZimbabwe chete, asi tikatarisa mudunhu reSouthern African Development Community neAfrica yese, uyewo tikatarisa zviri kuitika kuEurope nokuAmerica, kana tichigara navanhu vemhiri vachitiudza kuti munyika menyu hamusi kutongwa zvakanaka, ko kuvayeuchidza kuti kuurayana nezvombo zvazara munyika dzavo, zvichapedzwa nei?

Paitsikiswa pepanhau, vanhu vokuSouth Africa vange vari kuvhotera vanhu vemakanzuru. Kune vanofunga kuti musarudzo iyi muchabuda zvisingafadzi bato riri kutonga reANC.

Ukuwo kuMozambique, hurumende iri kukweshana navapanduki veRenamo vanotungamiririrwa naAfonso Dlakama. Kunyange zvazvo pave nehurukuro, chakashamisa ndechokunzwa kuti hurumende yeMozambique yakasarudza Tony Blair kuti abatsirane nevaimbove mutungamiri weTanzania, President Jakaya Kikwete kuyananisa. Hamheno, asi mapato akaunza rusununguko ave parumananzombe!

Ukuwo kuDemocratic Republic of Congo, vanopikisa hurumende, VaEtienne Tshisekedi, vanonzi svondo rapfuura vakauya nenyaya yokuti President Joseph Kabila ngavabve pachigaro kupera kwegore.

Toenda kuAngola. Kwange kwave norunyararo, asi tave kunzwa kuti kwave navapanduki vari kutorwisana namauto ehurumende.

Pamusana pei tichigarobvuma kuudzwa kuti venyu vakaipa, asi ivo vaine vakaipisisa? Vatungamiri veFrance neAmerica vanogara vari kumariro, vazhinji vavo vari vanhu kupfurwa nokudhuukirwa namabhomba?

Hatisi kuramba kuti pane zvinoda kugadziriswa. Asi pamusana pei tichida zano romunhu ari kubva kunoitwa zvinorova, isuwo tisati tamboona kuti pachedu hatikwanisi kugadzirisana here? Nokuti zvinonzi, zano rangwa uine rako.

Uyezve mashoko ane simba. Rangarirai kuti makore matatu apfuura, mutungamiri wenyika aigarotaura pamisangano kuti mukutsvaga kubatana kwedu, ngatizviudze kuti: “Peace begins with me; peace begins with you; peace begins with all of us.” (Runyararo runotanga neni; runyararo runotanga newe; runyararo runotanga nesu tese.)

Vanamati vanoti, zvasunungurwa panyika, nokudenga zvasunungurwawo.

Hoko yakatorohwa apa. 1980 Zimbabwe yakawana rusununguko, nyaya yokubatana ikaramba ichisusukidzwa nokuti vanhu vakaziva kuti nyika yakauya sei.

Mweya wokubatana mukati mezvinetso unofanirwa kuramba wakabata vanhu, nokuti vakomana navasikana vakarwa, vakasangana nezvinorwadza kusvika 1980. Asi havana kuda kudzokera kumashure.

Share This:

Sponsored Links