Magetsi auya paChipendeke

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAKIRINIKI nezvimwe zvipatara zvekumaruwa zviri kubatsirikana zvikuru pasi pechirongwa chekuiswa kwemagetsi chiri kutsigirwa neHurumende yakabatana nemasangano akazvimirira nedonzvo rekusimudzira nyaya dzeutano munyika.Chimwe chezvirongwa izvi ndecheChipendeke Hydro Micro Scheme icho chiri kwaZimunya, kwaMutare. Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nemari inosvika 84 243 Euro nemasangano anoti Practical Action, European Union, Zero Regional Environmental Organisation neHivos.

Imwe yemakiriniki akaita rombo rekuisirwa magetsi pasi pechirongwa ichi iChipendeke Clinic iyo iri kwasabhuku Takesure Munyoro.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira kiriniki iyi ndokuita hurukuro nevarapi pamwe nevarwere avo vari kufarira chirongwa chekuiswa kwemagetsi ichi.

“Ndakasununguka pano nezuro muna Gumiguru munguva dzemanheru. Ndinopembedza chirongwa chemagetsi ichi nekuti zvakaita nyore kuvarapi kuti vakwanise kundibatsira. Kusati kwave nemagetsi, taitouya pano nemakenduru izvo zvaive nenjodzi huru. Zvakare vamwe varwere vaikundikana kuwana mari yekutenga makenduru acho saka vaigona kuzeza kuenda kukiriniki vachigumisira vasunungukira mudzimba,” anodaro Mildred Mudimu (36).

Mumwe mudzimai wechidiki uyo akange akamirira kusununguka, Elinah Mukonje (28), anoti anonzwa kunyevenuka nekuda kwebudiriro iyi.

“Kunyangwe zvazvo magetsi ari kunetsa mazuva ano nekuda kwekushomeka kwemvura kumuzinda unopomba mvura, ndinofara kuti pakiriniki haagari achienda. Ndinovimba kuti kunyangwe ndikasununguka husiku, ndinobatsirwa zvakanaka,” anodaro Mukonje.

Vamwe varapi vepakiriniki iyi, avo vasina kuda kudurwa nemazita avo, vanoti vave kufarira basa ravo.

“Basa redu tinorida zvikuru, zvinhu zvinongorwadza kushanda usina midziyo yakakwana, kunyanya magetsi. Pafungei, kuti zvingaite here kuti ubaye murwere majekiseni murima, unoona sei kuti mushonga wacho wapinda? Hazviite nekuti unogona kukanganisa munhu orasikirwa neupenyu,” akadaro mumwe nyamukuta wepakiriniki apa.

Anoti mishonga mizhinji inoda kuiswa mufiriji kuti irambe ichishanda zvinova zvimwe zvezvinhu zvakakoshera magetsi.

Zvakadaro, kiriniki iyi inonzi iri kubatsirawo vamwe vagari vekunzvimbo yeHimalaya chinova chinhambwe chemakiromita 15.

“Dambudziko riri muno ndere makiriniki anove mashoma saka zvinorwadza zvikuru kumadzimai akazvitakura kana varwere vepanhowo kuti vange vachitakurwa kuenda kuChipendeke,” vanodaro Mbuya Servy Mudyarirwa.

Mukuru wesangano reZero Regional Environmental Organisation, VaShepard Zvigadza, vanoti sangano ravo rinokurudzira veruzhinji kuti vashandise nzira dzakachena uye dzisingavadhurire kuti vawane magetsi.

Share This:

Sponsored Links