MaGrade 7 kuchikoro, handi zororo: Dokora

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
MaGrade 7 kuchikoro,  handi zororo: Dokora

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanoti vana veGrade 7 vanofanira kuramba vachienderera mberi nekudzidza mushure mekupedza kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examination Council (Zimsec), kwete kuswera vachitamba kuzvikoro kana kugara kudzimba.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weManicaland, VaDavid Chimhini, avo vaida kuziva kuti mutemo unoti kudii maererano nevana vanenge vapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7.

VaChimhini vanoti vana vakawanda vakapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 dzegore rino vari kuswera vachitamba kunhandare dzezvikoro uye vamwe vanenge vari kudzimba — vasisaende kuchikoro.

“Mutemo unoti kudii nevana vanenge vapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 kuitira kuti vawane zvekuita zvinovabatsira kubva pavanopedza kunyora bvunzo muna Gumiguru kusvika pakuvharwa kwezvikoro muna Zvita?

“Ndeapi matanho anotorwa nebazi redzidzo kune zvikoro zvinotendera vana vanenge vanyora bvunzo idzi kuti vagare kudzimba kana kuti vauye kuchikoro asi voswera vachitamba zuva rose sezvimwe zvatiri kuona zvichitika?” vanodaro VaChimhini.

Dr Dokora vanoti vana veGrade 7 vanofanira kuramba vachidzidza kusvikira panovharwa zvikoro muna Zvita.

“Kana takatarisa mutemo wePolicy Circular No. 62 of 1987, vana veGrade 7 vanofanira kuramba vachidzidza mushure mekupedza kunyora bvunzo.

“Pasi pemutemo uyu, vana vanofanira kuramba vachienda kuchikoro kusvikira panovharwa zvikoro.

“Nguva iyi inofanira kushandiswa kuti vana vabatsirike muzvidzidzo zvakasiyana, kusanganisira kuita zvimwe zvidzidzo zvavanenge vasina kunyatsowanirwa nguva yekuti vazvidzidze zvizere,” rinodaro gurukota iri.

Dr Dokora vanoenderera mberi: “Pamusoro pezvo, varairidzi veGrade 7 vanofanira kuve nehurongwa (schemes) hwekudzidzisa vana pavanopedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 kuitira kuti vawane zvavanoita zvine pundutso. Semuenzaniso, vana vanogona kushanda mumapindu ezvikoro, kushanyira maindasitiri akasiyana nekuita zvimwe zvirongwa vachitungamirirwa nevarairidzi vavo.”

Dr Dokora vanoti bazi ravo ragara richitaura kuruzhinji kuti vana vose veGrade 7 vanofanirwa kuramba vachienda kuchikoro mushure mekunge vapedza kunyora bvunzo, vachinodzidza.

“Varairidzi veGrade 7 vanofanirwa kumaka maregister mazuva ose pamwe nekutora matanho ekuona kuti vana vadzidza. MaProvincial Education Directors nemaDistrict School Inspectors vanofanira kuona kuti basa riri kufambiswa sei muzvikoro, kusanganisira kudzidza kwevana veGrade 7 vanenge vapedza kunyora bvunzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kumumiriri weBulawayo Metropolitan — Sen Tholakele Dorothy Khumalo — Dr Dokora vanoti bazi ravo rakaita chisungo chekuti zvikoro zvinoda kutenga mabhazi zvitenge kumakambani mamwe chete senzira yekudzivirira huwori.

Sen Khumalo vaida kuziva kuti sei zvikoro zvisingabvumirwe kutenga mabhazi kubva kumakambani akasiyana uye azvinoda.

Dr Dokora vanoti bazi ravo riri kuona zvikoro zvakawanda zvichitenga mabhazi inove budiriro yakanaka asi nyaya inozonetsa ndeyemimwe mitengo yemabhazi acho, kana zvichienzaniswa nekukura kwaanenge akaita.

“Nekuda kwaizvozvo, takakumbira mvumo kuState Procurement Board kuitira kuti mabhazi aya atengwe nenzira dzakajeka. State Procurement Board yakati bazi redu rinofanira kuona kuti zvikoro zvinoda kutenga mabhazi zvatevedzera zvinodiwa pasi pemutemo weCabinet Circular 11 of 2016 kuburikidza nekutenga mabhazi aya kumakambani anoti Deven Engineering, FAW Zimbabwe neAVM Africa, “ vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links