‘Mahachi aenda nenyika’

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Mahachi aenda nenyika’

Kwayedza

MUIMBI wemusambo wechitendero, Tatenda Mahachi, anoti ari kunzwa manyukunyuku zvikuru neDVD rake idzva rinonzi ‘The Journey DVD-Collection’ iro rine dzimwe nziyo dziri kuburitswa pachivhitivhiti cheTrinity Broadcasting Network (TBN) yekuUnited States of America pamwe nekune dzimwe nyika dzekunze.

Mahachi, uyo ane mukurumbira nenziyo dzinosanganisira Ndinoda Jesu naNdisiye Satan, ane vhidhiyo rinonzi Usacheme iro  parizvino riri kunetsa sezvo ratekeshera munyika ino uye nepasi rose. Vhidhiyo iyi iri kuonekwa  pavhitivhiti zvine zvikamu zvinoti TBN, SABC Gospel Gold uye nekune dzimwe nyika dzinoti Nigeria neGhana.

Muhurukuro neKwayedza, Mahachi anoti ari kunzwa kukomborerwa zvikuru kuti mhanzi yake iri kuita mukurumbira pasi rose izvo anoti zviri kuuya kuburikidza nekushanda nesimba.

Mahachi ndiye muimbi wekutanga wechitendero ane nziyo dziri paTBN.

Izvi, anodaro Mahachi, zvinomupa manyukunyuku ekuramba achitsikisa mhanzi inonakidza.

Vhidhiyo rekambo kake, Usacheme, ndere mhando yepamusoro uye rakabikirwa kuDurban, South Africa nekuDubai kuUnited Arab Emirates.  “Zvinokomborera kuona kuti mhanzi yedu yatinoimba muno nerurimi rwedu rwaamai rwechiShona ichiita mukurumbira kune dzimwe nyika. Vhidhiyo rekambo kangu – Usacheme – kutaura kuno riri kunetsa zvikuru paTBN uye riri kugara ichiridzwa nguva nenguva.

“Ukaona wasvika padanho iri unofanirwa kutenda Mwari nekuti hazvingoitika mazuva ose. Ini handidi kunyepa, ndanga ndiri kushanda nesimba mubasa rangu saka ndinopa kutenda kuchikwata changu chose chinonditsigira. “Kwandave kuenda uko ndinoona chiedza chakanaka, asi hunge ndikaramba ndichishanda nesimba,” anodaro Mahachi.

Kubva Mahachi achitanga kuimba, shasha iyi yatsikisa madambarefu mana anoti Miyedzo, Kure, Agare naDeclarations. Akamboshanda nevamwe vaimbi vanoti Isaacs Simpson wekuUSA, Shingisai Suluma, S’fiso Ncwane, Rebecca Mhlope, Thina Zungu, Hlengiwe Mhlaba, Joyous Celebration, Dumi Mkhostad, Lundi Tyamara, Uche naBenjamin Dube veSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey