Mahrez akabatisa Arsenal pasi

13 Oct, 2016 - 22:10 0 Views
Mahrez akabatisa Arsenal pasi Riyad Mahrez

Kwayedza

MUTAMBI weLeicester City, Riyad Mahrez, akabuda pachena kuti Arsenal yakaedza kumutenga mwaka uno asi zvakaramba sezvo aidhura zvikuru. Mahrez, uyo ane makore 25 okuberekwa, aidiwa nemaGunners asi anoti aidhura zvekuti chikwata ichi chakatadza kumutenga uye iye pachake aisada kumanikidzira kuenda. “Paive nehurukuro neArsenal,” Mahrez akaudza Canal Football Club. “Asi Leicester yaida kundichengeta uyewo ndaidhura zvakanyanya. Ndakange ndisingade kukonzeresa kuchikwata changu pavakaedza kunditenga.

“Ndichizviona zvakanaka chaizvo ndakaramba kubva, ndakaramba ndiri kuno. Zvasarira kwandiri kuti ndizvirakidze kuti ndinogona.”

Mahrez mumwe wevatambi vemuchikwata chemaFoxes vaitamba nhabvu yainwisa mvura pavakahwina mukombe wePremier League uye akanwisa ka18 mumitambo 39 yaakatamba. Mushure mekunge aramba ari kuKing Power Stadium, chizvarwa chekuAlgeria ichi chakabva chasayina imwe kondirakiti itsva iyo ichamuona ari kuchikwata ichi kusvika gore ra2020 uye akanwisa kaviri mumutambo weLeicester weChampions League neClub Bruges. – Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links