Mai Charamba vouya nezvitsva

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Mai Charamba vouya nezvitsva

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MAI Olivia Charamba vadzokazve mudariro.Muimbi ane mukurumbira mumusambo wechitendero uyu auya nedambarefu  idzva mushure mekuita makore gumi asati abura zvitsa.

Dambarefu rine nziyo sere iri — Voice of Miriam— rinotarisirwa kuparurwa musi wa16 Nyamavhuvhu.

Mai Charamba, avo vanoimba nechikwata cheFishers of Men, vanoti vakaronga kuti dambarefu iri ringe richitengeswa nekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers (1980) Limited.

“Ndanga ndava nemakore gumi ndisati ndabuditsa dambarefu zvinova zvanga zvava kunetsa vatsigiri kuti ko sei ndatora nguva yakadai ndisati ndavapa zvitsva. Tanga tichidaidzwa kwakawanda, kusanganisira kunze kwenyika tose naBaba (Charles) Charamba, kunoita mashoo izvo zvaiita kuti zvisava nyore kutsikisa pamwewo nekumborera mhuri,” vanodaro Mai Charamba.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinotenda kuti tazokwanisa kuburitsa dambarefu iri, iro ratagadzirira kupakurira kuvanhu. Takasarudza kubatana nekambani yeZimpapers mukutengesa dambarefu redu idzva iri nekuti zvinoita kuti zvive nyore kwatiri uye kuti vanhu vaone kuti nderemachokwadi, rakasiyana neari kutengeswa nevepairesi.”

Vanoti padambarefu idzva iri, havana zvizhinji zvavakasandura sezvo donzvo ravo riri rekuparidza shoko raMwari sezvavagara vachingoita pamadambarefu avo avakaburitsa kare.

“Mimhanzi yedu haina nguva yainonzi yapera basa. Izvi taingozviita kubva kumadambarefu edu ekare uye takati tinoda kuramba takadaro.

‘‘Tinozviitira kuti madambarefu edu ose atinoburitsa arambe aine dzidziso kuvatereri nevatsigiri uye kuti arambe achinakidza.

“Shoko ratinoparidza munziyo dzedu rinofanira kuramba richipa dzidziso kuvanhu zvisinei nekuti nziyo dzacho dzakaburitswa rinhi.”

Padambarefu iri pane kambo kanonzi Boycott Scene, ako Mai Charamba vanoti kanodzidzisa kuti munhu kana azvipira muna Jesu Kristu achisiya zvakaipa, anofanira kubva muzvivi kuti akomborerwe. Pane kamwe zvakare kanonzi Ndiri Munana ako vanoti kanoburitsa kunaka kwaMwari muupenyu hwemunhu.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira Vana Musango naMwaka.

Share This:

Sponsored Links