‘Mai mwana dzika pamubhedha . . .’

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Mai mwana dzika  pamubhedha . . .’

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
MUDZIMAI wekuBuduriro, muHarare, anoti murume wake anouya kumba neshamwarikadzi dzake, omuburutsa pamubhedha obva arara nadzo ipapo iye akayeva.

Mejury Kudziya wepanhamba 24706 Budiriro 5B, akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake — Believe Jokonya — achimupomera mhosva yekumurova nekumudzinga pamba.

Jokonya akaudza dare kuti mudzimai wake ari kumushaisa rugare.

“Mudzimai wangu haanzwisise, anongoda zvinhu zvinokonzeresa mhirizhonga. Akatora mbatya dzangu dzekubasa akadziviga, ndikamubvunza akaramba kudavira kusvika ndazotuma mumwe mupurisa wandinoshanda naye. Ndiye akazondibatsira kuti mbatya dzangu idzi dzibude,” akadaro Jokonya.

Anoti Kudziya anoenda kubasa kwake achinomutuka nemashoko ezvinyadzi pane vaanoshanda navo.

“Zvakare, anoti akandiona ndichifamba nemunhukadzi — chero wekubasa — anotanga kumurwisa achifunga kuti musikana wangu. Ndinokumbirawo zvangu dare rimudzivise kusvika kubasa kwangu kuZPC Harare Power, kuWorkington,” akadaro Jokonya.

Kudziya akaudza dare kuti murume wake ndiye anotomushungurudza zvekuti aitofanira kuuya kumatare achikumbira gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, murume wangu zvaari kutaura manyepo nekuti ndiye anondishungurudza. Paakamira apa anoita minana inotyisa.

“Anouya zvake neshamwarikadzi dzake kumba ondiburutsa pamubhedha wangu achirara zvake nevasikana vake ndiripo,” akadaro Kudziya.

Anoti murume wake haana rukudzo naye zvachose.

“Ndinonzwa moyo wangu kurwadza kana munhu wandinoti murume wangu achindidzikisira zvakadaro. Anogona kutondirova pamwe nekundituka vasikana vake vakatarisa, zvinobva zvakonzeresa kuti naivo vashaye rukudzo kwandiri. Vanobva vatotanga kundituka pamwe nekundirwisa,” akadaro.

Anoenderera mberi achiti: “Mashoko ose aari kutaura mayepo. Inongori nzira yekutsvaga kuda kundiroverera asi ini ndinoti kana achida kuenda, ngaaende zvakanaka kwete kunditsvagira mhosva dzandisina.

“Handina zuva randakambomurambidza kusvika kumba ini asi kuti mauyire ake chete ndiwo anondikanganisa,” akadaro Kudziya.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Jokonya gwaro redziviriro ndokuti Kudziya anodziviswa kusvika kuZPC Harare Power kuWorkington uye haafanire kurambidza Jokonya kusvika panhamba 24706 Budiriro 5B, Harare.

Share This:

Sponsored Links