‘Mai mwana muri pfambi’

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Mai mwana muri pfambi’

Kwayedza

— ‘Kupiko, une shanje dzinobvira moto’

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati aimbova mudzimai wake ainyepa kuti anoda mari yekuchengeta vana vavo vatatu asi iye achida kuidya nezvikomba zvake.

Jane Sagwati akashaya pekupinda mudare reHarare Civil Court apo Isaiah Chakwamba akamuti ipfambi yemakoko uye zvimwe zvikomba zvake zvinomufonera zvichimuudza kuti anofanira kubvisa mari yemendenenzi iyi kuitira kuti zvigoidya pamwe chete nemukadzi uyu.

Sagwati akaudza dare kuti anoda $300 pamwedzi yekuchengeta vana vavo vatatu.

“Changamire, ndauya pano nechikumbiro chekuti baba ava vabhadhare mari yekuchengeta vana kubva pane zvekudya, mari yechikoro uye zvekupfeka. Ndinoda $300 pamwedzi,” akadaro Sagwati.

Sagwati akati anoita basa rekutengesa matomatisi nekudaro mari yaanowana haikwane kuchengeta vana.

“Ini ndinotengesa matomatisi, ndinowana $30 pamwedzi saka naizvozvo haikwane kuchengeta vana,” anodaro. Chakwamba anoti mari iri kudiwa naSagwati yakawandisa.

“Ini ndinopikisana naamai ava pakuti mari yavari kutaura yakawanda sezvo ndichishanda mubhucha. Ndinohora $300 pamwedzi uye ndine mukadzi nevamwe vana vaviri,” anodaro Chakwamba.

Chakwamba anoendera mberi achiti Sagwati ipfambi yemakoko.

“Mukadzi uyu ipfambi yemandorokwati uye chimwe chikomba chake chinondifonera chichindituka nekundishoropodza chichiti vanoda kudya mari iyoyo vose,” anodaro Chakwamba. Sagwati akabva amugamha achiti Chakwamba ane shanje uye iye haaite zvezvikomba.

“Murume uyu ane shanje dzinobvira moto, zvezvikomba zvaave kutaura izvi ndezvekunyepa uye imviromviro dzekuti asabvise mari yemendenenzi nekuti akati anoda kundi’fixer’,” anodaro Sagwati.

Mutongi Manassa Masiiwa akati Chakwamba abvise $140 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Share This:

Sponsored Links