‘Mai mwana ndinzwirewo tsitsi, usandipedzere mari’

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Mai mwana ndinzwirewo  tsitsi, usandipedzere mari’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achida $120 yekuriritira mhuri yavo akachema-chema achiti anotambira $150 pamwedzi nekudaro kana akamupa mari iyi anosara ave kukwangwaya zvekusvika pakutadza kuenda kubasa.

Danai Chikono akadhonzera Charles Maidei kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta vana vavo vaviri.

“Ndinoda kuti murume wangu andipewo mari yekuchengeta vana vedu vaviri nekuti ini handishande, saka ndiri kushaya kuti mari ndoiwanepi.

‘‘Tinogara tese asi haandiipe mari yekuchengeta vana, handitombozive kuti mari yake anoishandisei,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti ari kuda $120 kubva pa$200 yaanoti inotambirwa nemurume wake pamwedzi. “Ndiri kuda $120, ndinoziva kuti anoikwanisa nekuti anotambira $200 pamwedzi. Imwe yasara anoendesawo kubasa nekutenga zvaanodawo sezvo ari iye anoshanda. Ini ndiri kungoda yekubhadhara patinogara, yekutengesa hembe dzevana neyekudya,” anodaro Chikono.Achipawo divi rake, Maidei anoti mari yataurwa haaikwanise nekuti anotambira $150. “Mari yataurwa iyi handiikwanise nekuti ndinowana $150 pamwedzi. ‘‘Zvino akanditorera $120 ndinosarirwa ndine isingakwane kuti ndiende kubasa. Mari yandikatokwanisa kumupa i$80, ndiyo inoita kuti nditengewo zvandinoda nekuenda kubasa,” anodaro Maidei. Mutongi Nyasha Marufu akati Maidei abhadhare $90 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links