Mainini, babamukuru mugumbeze rimwe

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Mainini, babamukuru mugumbeze rimwe

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI wekumira pamberi pedare achiti aimbova murume wake anomushaisa mugara achimurova nekumutuka akashaya pekupinda apo akanzi ipfambi yemakoko.

Winnet Makona akamhan’arira John Sibanda kuHarare Civil Court.

“Changamire, ndauya kuno kuti murume uyu adziviswe hunhu hwake sezvo achindirova, kundituka uye dzimwe nguva anondiradzika panze kuchitonhora kana kuchinaya kusvika ndazoenda kumba kwedu,” anodaro Makona.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakazobva kumba kwake mushure mekushungurudzwa asi anoti akandiona munzira anondituka, iye nehama dzake. Ndinoda kuti abhadhare bhiri rekuchipatara uko ndakasunungukira, asi haadi.”

Sibanda anopikisana nechikumbiro chaMakona achiti iye aida mukadzi wake nemoyo wose asi akamurwadzisa zvikuru apo akamuwanikidza arere nemumwe mukoma wake.

“Mukadzi uyu handina kumbobvira ndakamushungurudza, handiti angadai akamhan’ara kumapurisa? Nyaya iripo ndeyekuti akandigura kunorira, ndaimuda asi ndakazomubata akarara nemukoma wangu chaiye mushure mekunge ndamutora kubva mubhawa maaitamba ndikamuroora.

“Takange tataurirana kuti haaizodzokera ikoko asi iye ndokuzosarudza kusasana nemukoma wangu,” anodaro Sibanda.

Anoti mushure mechiitiko ichi, akaenda naMakona kwavatete vake asi vakaramba kugadzirisa nyaya yacho vachityira kuti anogona kuramba achiita hunhu hwekuenda kubhawa.

“Mushure mekunge ndamubata nemukoma wangu, ndakaenda naye kuna tete vake avo vakaramba kugadzirisa nyaya iyi vachiti angangorarawo nemurume wavo.

‘‘Zvimwe chete nababa vake vakambomurambawo asi vakazomutora kwapera vhiki imwe,” anodaro.

Makona anoramba mashoko ekuti akashinha nababamukuru vake.

“Vanonyepa baba ava, ivo nehama dzavo ndivo vakaronga tsoro iyoyo vachida kuti vawane kundidzinga nekuti musi wandakabva kumba kwavo mumwe mukadzi wake akabva atouya. Handina kumboshinha nababamukuru ini,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Makona gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey