‘Makambani batsirai kurwisa hiv/aids’

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
‘Makambani batsirai kurwisa hiv/aids’

Kwayedza

HURUMENDE inokurudzira makambani kuti ave nezvirongwa zvekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV mumabasa nedonzvo rekusimudzira utano hwevashandi.Vachitaura svondo rapera muguta reHarare pakuparurwa kwegwaro rekurwisa kupararira kwedenda reAIDS kumaindasitiri eEngineering, Iron and Steel, gurukota revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Priscah Mupfumira, vanoti zvakakosha kuti vemakambani vaitewo chikamu mukurwisa denda iri.

“Zvisinei nekuti HIV haisati yawanirwa mishonga yekuipedza kwemakore mazhinji, nyika ino ine budiriro huru mukurwisa utachiona hutsva mumakore gumi adarika kubva pachikamu che18% kusvika pa15%,” vanodaro. Cde Mupfumira vanoti utachiona uhu huri kushungurudza zvikuru vanhu vari mumabasa zvichiita kuti budiriro yeupfumi hwenyika itadze kusimuka. “Kuburikidza nekubatana kwemasangano akazvimiririra, kune matanho akawanda ari kutorwa kuti HIV inge chidzivirirwa uye kuderedzwa akadai sekuunganidzwa kuri kuitwa mari yeAIDS Levy iyo inobatirwa vashandi kuti ibatsire mukurapwa nekutengwa kwemishonga yemaAnti-retroviral Drugs (ARVs). Sangano reInternational Labour Organisation (ILO) rinoti AIDS inoderedza kushanda kwakanaka kwevashandi mumabasa akasiyana,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reUNAIDS pasi rose inoratidza kuti vanhu vanodarika 35 miriyoni vari kutambudzwa neHIV neAIDS uye pakati pavo 16 miriyoni madzimai apowo vana vari pasi pemakore 15 okuberekwa vari 3,2 miriyoni.

“Kuwanda kwemadzimai ari kutambudzwa neHIV zvichienzaniswa nevarume idambudziko guru rinoda kucherechedzwa. Zvichireva kuti madzimai anofanira kutsigirwa panguva yenhamo nenherera dzinosara dzinodawo rutsigiro. “Tinoda kurwira kuti tipedze HIV neAIDS mugore ra2030 kuburikidza nekupa dzidziso yakakwana kumazera ose,” vanodaro Cde Mupfumira.

Vanorumbidza chirongwa cheZimbabwe National HIV and AIDS Stategic Plan vachiti chinofambirana necheHurumende cheZimAsset icho chakananga kusimudzira vanhu vari kurarama neutachiona mumabasa kuti vange vachichengetedzwa.

Izvi, vanodaro Cde Mupfumira, ndizvo zvinoita kuti vashandi vagone kushanda vakasununguka zvichipa budiriro kumakambani.

Vanoti chikamu cheEngineering, Iron and Steel chinofanira kupembedzwa nekupinda kwacho muchirongwa chekurwisa HIV mumabasa.

“Tinozvikudza zvikuru nekuti pari zvino makambani 36 ndiwo akapinda muchirongwa ichi kubva pamakambani 48 asati ave muchirongwa ichi.”

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti zvinoda mushandirapamwe kurwisa kupararira kweutachiona hweHIV.

Vakataura izvi pachiitiko ichi mumashoko avakaverengerwa nasachigaro weNational Aids Council Dr, Everisto Marowa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey