Uncategorized

makore 10 kasikana (12) kakatapwa nen’anga

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
makore 10 kasikana (12) kakatapwa nen’anga

Kwayedza


— ‘Atova mukadzi wangu’             —‘Sekuru vanondibhinya’

Kingstone Mapupu
N’ANGA ine mukurumbira kwaChikwizo, kuMudzi, mudunhu reMashonaland East, iri kupomerwa kubata hunhapwa nekubhinya kamwana kasikana kwemakore gumi ako yainge yati inokwanisa kurapa ichiti inoda kutanga yabhadharwa mari nemombe nevabereki vemwana uyu kuti imudzose.

Jekesani Navhaya (50) — uyo anozivikanwa saSekuru Pingizi — anogara mubhuku raMushamba uye anonzi akazotorerwa mwana uyu nechisimba nehama dzake dzichibatsirana nenhengo dzeimwe chechi yekuMarondera.

Mwana uyu, uyo watichangodura zita rake saVimbai, anonzi akaendeswa nevabereki vake kun’anga iyi vachida kuti abviswe mamhepo.

Vimbai, uyo ava nemakore 22 ekuzvarwa, anonzi akaendeswa kun’anga iyi makore gumi akadarika zvichireva kuti apa aiva nemakore 12 okuberekwa.

Panguva iyi, Vimbai anonzi ainetswa nezvikwambo uye achida kugadzirwa mudzimu.

Zvisinei, Navhaya anoramba kuti aibata mwanasikana uyu chibharo achiti vanodanana uye Vimbai ndiye akatanga kumupfimba.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumapurisa ekudunhu ravo uye vanoshora zvikuru vabereki nehama dzemusikana uyu nekusamhan’ara mhosva iyi.

Vimbai anotsanangura achisvimha misodzi kuendeswa kwaakaitwa nevabereki vake kun’anga iyi kudzimara yave kurambira naye ichimubata chibharo.

“Ndakaendeswa kwaSekuru Pingizi nevabereki vangu ndichirwara apo ndainzi ndaibatwa nemweya yezvikwambo nengozi nekusvikirwa. Ndakatanga ndichigara naambuya amai ven’anga iyi, ndokuzoguma ndave kunzi ndirare mukamba kangu ndega apo sekuru ava vaiuya vachindibata ini ndisingade vachinditi ndiri mukadzi wemudzimu wavo,” anodaro Vimbai.

Musikana uyu anoti aigara achidyiswa mishonga nekupihwa mhiko dzakawanda apo aigara muhunhapwa.

“Midzimu 7 inonzi inosvika pana sekuru ava yaisvika ichiti ndakanga ndava mudzimai wasekuru ava uye ndaisakwanisa kuzvipikisa. Vaindibata pamadiro uye pasina kudzivirira vachiti ndaifanirwa kuita mwana,” anodaro musikana uyu zvichitevera kununurwa nechisimba kwaakaitwa.

Vimbai anoti n’anga iyi ine vana vatanhatu nemudzimai wayo.

Anoti akange ave kuitwa makumbi wen’anga iyi sezvo yaienda naye kunochera mishonga musango nekuitawo mamwe mabasa “aidiwa nemidzimu”.

“Nekuda kwezvandaiitiswa nen’anga iyi, ndakanga ndisisade kuona vabereki vangu, ndave kufunga kuti n’anga iyi ndiyo chete inoita kuti zvinhu zvangu zvifambe. Vabereki vangu vaiti vakauya vachida kundiona ndaitiza.

“Ndakatemwa nyora muviri wose, hapana pakasara,” anodaro Vimbai achifugura mbatya kuratidza Kwayedza mazinyora ari pamuviri wake — kumeso, kumusana, kudumbu, chipfuva, magadziko, mawoko zvose nemakumbo.

Mimwe yemitemo yaanoti akapihwa nen’anga iyi inosanganisira kusazora mafuta kana kugeza nesipo inonhuwira, kusabata mwana mucheche ane vhudzi raakazvarwa naro nekusaenda parufu kana kubatana mawoko nevanhu vari kubva panhamo.

Anoti zvakare akanzi nen’anga iyi haafanire kugerwa musoro upenyu hwake hwose, kusatambidzana zvinhu nehama kana vabereki vake kana nevamwewo vanhu nekusapfeka zvitsvuku.

Pamusoro peizvi, anofanirawo kudya chikafu chakasanganiswa nemishonga nen’anga iyi nguva dzose, kusadanana nevakomana nekusaroorwa, kusadya derere, kufamba nen’anga iyi nguva dzose, kusamhoresana kana kugumhana nemadzimai ari kutevera nekusaenda kuchikoro.

Vimbai anoti akapihwa mhiko yekuti asaenda kuHarare nedzimwewo nzvimbo dzine magetsi uyewo imhosva huru kuti atorwe mufananidzo, izvo zvinonzi zvinokonzera kufa kana kurwara kwake.

“Pamusoro pemhiko idzi, kumba kwedu chaiko, ndairambidzwa kudzokera kana kusangana nehama dzangu ndichinzi kune mhepo dzakaipa dzinondirwisa,” anodaro Vimbai.

Anotizve mhiko dzaakapihwa dzakaita kuti asvike pakuvenga hama dzake.

Imwe mhiko yakapihwa musikana uyu kusabvumidzwa kuva nenharembozha zvinova zvaanoti zvinoitwa kuvanhu vose vanogara pamusha pen’anga iyi.

“Ndanga ndongogara semhuka pasina chandinofunga uye pasina wandinotaura naye kunze kwen’anga iyi. Ndaiudzwa kuti kana ndikadzokera kumba kwedu ndainofa.

“Ndaigara ndichitya, kunyangwe pandakanunurwa ndakatya kutaurira hama dzangu zvose zvandaiitwa nasekuru ava. Ndainzi hazvitaurwe, unorangwa nemidzimu.”

Zvakadai, Navhaya anoti haana kubata musikana uyu chibharo asi kuti vaidanana mushure mekunge Vimbai atanga kumupfimba.

“Takawirirana nemwana uyu. Akangwarisa. Akauya pano achirwariswa nezvikwambo zvekumba kwavo ndikamurapa akapora. Aitya kuenda kumba kwavo achida kugara pano akandipfimba, ini ndikati dzawirwa mutswanda.

“Ndiyani angarambe mukadzi? Anga ava mudzimai wangu. Zvemhiko nezvimwe zvaanotaura zvaiitwa nasekuru ini handizvizive nekuti ndaiva ndakasvikirwa,” n’anga iyi yakaudza Kwayedza svondo rino.

N’anga iyi inoti vabereki vemwana uyu vanga vasisade kuti adzoke kumba kwavo, izvo zvinorambwa naamai vaVimbai.

Amai ava vanotsinhira kuti mwana wavo akanogara kun’anga kubva mugore ra2007 achirapwa asi ndokuzopedzisira obatwa chibharo.

“Inyaya yandinoziva, asi hapana zvataikwanisa kuita nekuti n’anga iyi yairambira nemwana ichitivhundutsira kuti tikamutora bedzi, tose tinopera kufa naiyewo Vimbai wacho,” vanodaro amai ava.

Vanoti n’anga iyi yakasvika pakuvabhadharisa jongwe rehuku nezviyo mushure mekunge vaibvunza kuti sei mazamu emwana wavo ave kuita seemukadzi mukuru.

Vanoti zvakare Vimbai akaenda kun’anga iyi aine makore gumi nemaviri.

Mashoko avo anotsinhirwa nababa vaVimbai vachiti mwana wavo airambirwa nen’anga iyi.

“Musha wedu wese taitya kufa kwaitaurwa nen’anga iyi apo yaiti mwana uyu aisafanirwa kudzoka. Takamubhadhara mombe mbiri nembudzi dzakawanda asi mwana wedu haana kupora uye apo taida kumutora n’anga yaimurambira. Pamusoro pekumubhadhara, ave kubata mwana wangu chibharo,” vanodaro.

Mudzimai wechipiri wababa vaVimbai anoti: “Mwana uyu akatambudzwa ini ndikamboda kuti torai mwana tiende naye kuchechi asi n’anga iyi ichingovhundutsira vanhu.”

Apostle Berina Dzvene vechechi yeLife Restoration International vanoti nyaya yekutapwa kwaVimbai inorwadza zvikuru.

“Mwari vakapindira apo hama dzemusikana uyu dzakauya dzichida kubatsirwa, vachiti pfuma yapera vachibhadhara n’anga kuti vatore mwana asi zvichiramba. Vimai akaendeswa kun’anga iyi ari Grade 6 akanoita makore gumi ariko,” vanodaro.

Vamwe ambuya vemwana uyu vanoti vanofara kuti muzukuru wavo adzoka ari mupenyu. “Nyaya huru ndeye kuti muzukuru wangu adzoka,” vanodaro.

Mumwe wevakoma vaVimbai anoti mwana uyu ange ava nemakore achishungurudzwa nen’anga iyi.

“N’anga iyi yaida kuripwa nemombe dzakawanda idzo dzimwe dzakaendeswa dzimwe dzikasara, asi mwana haana kudzoswa. Saka ndakazoenda ini nemota yangu nevamwe vekuchechi tikanomutora zvechisimba uye ava kuenda kuchikoro kuno kuHarare,” anodaro.

Anoti mhuri yavo yave kungogara ichitya nekuda kwekuvhundutsirwa nen’anga iyi.

Imwe yehanzvadz dzaVimbai inotiwo hapana zvavaikwanisa kuita nekuti vaivhundutsirwa nen’anga iyi.

Zvisinei, amai vaNavhaya, Irene Mireki (97), vanoti Vimbai ndiye akatanga kupfimba mwana wavo.

Mashoko avo anotsinhirwa nehanzvadzi yen’anga iyi, Ameria Pingizi (48), ichiti Navhaya naVimbai vanodanana uye musikana uyu haana kumbobvira aita zvekumanikidzwa.

“Kasikana aka ndiko kakatsvaga rudo kuna Sekuru Pingizi,” anodaro. Mudzimai waNavhaya, Maidei Nyowani (30), anotiwo anga asisawirirane naVimbai mushure mekuona kuti ave kudanana nemurume wake.

“Ichokwadi, baba vaipindira mwana uyu mumba uye nekuda kweshanje, ndanga ndisisawirirane naye,” anodaro.

Navhaya — uyo anova chizvarwa chekuMungariche, kuTete, kunyika yeMozambique — akazoda kurova mudzimai wake uyu pamberi pevatori venhau uye ndokuti aizosara achimuramba zuva iroro nechikonzero chekuti akatsinhira kuti n’anga iyi yaibhinya Vimbai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>