Uncategorized

‘Makore 13 ndichirara nenyoka’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Walter Mswazie —
KUPINDA mumagumbeze nenyoka zvinhu zvinotyisa zvikuru! Asi iyi ndiyo tsekwende yakatarisana nemusikana abve zera wekwaGutu, kuMasvingo, uyo ave kutotya kuvhara maziso ake nekuda kwenyoka yaanoti inoshinha naye pamadiro.

Florence Ganya (23) wemubhuku raDziva, kwaShe Makore, anoti nyoka iyi yave nemakore anodarika gumi ichishinha naye uye nyaya yacho akatoimhan’ara kumapurisa.

“Ave makore 13 nyoka iyi ichindiita mukadzi. Ndakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi hapana rubatsiro rwandakawana nekuti zvine chekuita nehuroyi,” anodaro Ganya.

Kana mashoko ake ari echokwadi, zvinoreva kuti nyoka iyi yakatanga kushereketa naye aine makore 10 ekuberekwa.

Anopomera ambuya vake avo vaakagara navo mushure mekushaya kwaamai vake kuti vane zvavanoziva pamusoro penyoka iyi.

“Vakakumikidza nyoka iyi pandiri ndisingazivi pandakange ndichiri kupuraimari chaiko zvekuti pamwe pacho ndaitorota ichinditsvoda,” anodaro.

Anoti nekuda kwenyoka iyi, haana murume waanodanana naye uye paakambotiza kuenda kuChivhu kunogara nababa vake nyoka iyi yakamutevera.

Anoti akabva adzokera kwaGutu uko akabatsirwa neimwe n’anga apo nyoka iyi yakambomira kurara naye.

Zvisinei, dambudziko raGanya rinonzi rakazotanga zvakare sezvo ambuya vake vasina kuita hanya yekumubatsira.

“Handina kukwanisa kugara kuChivhu kwenguva yakareba, ndakanzi ndidzokere kuitira kuti dambudziko iri rigadziriswe naambuya vangu asi havana hanya nazvo,” anodaro.

Anotsanangura zvinoitwa nenyoka iyi.

“Pamwe pacho ndinotoiona ichiuya kwandiri, ndobva ndaita sendabatwa nemweya ndotozonzwa ichipinda mandiri,” anodaro.

Kudai pasina Ishe Makore vakamubatsira angadai akazviuraya.

“Ganya akauya kudare kwangu nenyaya yake tichibva tamupanga mazano. Zvisinei, mitemo yemunyika ino haicherechedzi nyaya dzehuroyi asi zviri kuitika kwaari huroyi chaihwo. Zvandakakwanisa kuita kumupanga mazano ekuti asatore upenyu hwake,” vanodaro Ishe Makore.

Vanoti nyoka iyi yakambobviswa mumba maambuya vaGanya nen’anga gore rapera asi vakaramba vachiti yakange isiri yavo nekudaro dambudziko rake harina kukwanisa kugadzirika.

Muporofita wekuMasvingo, Isaac Makomichi, anoti dambudziko raGanya riri kukonzerwa nemweya yakaipa yakatandidzirwa paari nevavengi.

“Ndinofunga kuti dambudziko iri rinokwanisa kugadziriswa nemuporofita ari muchechi. Ganya ane mweya wakaipa wemurume akagadzwa paari nevavengi uye unokwanisa kubviswa kana akaenda kuchechi kana kuti nemuporofita ane chipo chekudzikunura vanhu kubva kumweya yakadai,” anodaro. – B-Metro.

Share This:

Sponsored Links