Uncategorized

Makore 15 mujeri kumukadzi ari hiv+

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI wekuChitungwiza, uyo anorarama neutachiona hweHIV, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 nedare reko nekuda kwemhosva yekubata chibharo mwana wemuvakidzani wake ane makore 7 ekuberekwa.

Mutongi wedare iri, Francis Mapfumo, akabvisira Sheris Jewa (27) wepanhamba 1399 kuSt Mary’s makore matatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Magwaro ekwachiremba akavheneka musungwa uyu anoratidza kuti ane utachiona hweHIV uye akaburitswa mudare seumboo.Panguva yakapinda nyaya iyi mudare, mwana uyu aive aongororwa utano hwake akawanikwa asina utachiona hweHIV.

Muchuchisi Ntombikayise Nleya akaudza dare kuti nomusi wa8 Chivabvu gore rino, Jewa akakumbira mwana uyu kuti amubatsire kugadziridza masofa emumba make.

Mwana uyu akabvuma asi paakangopinda mumba muye, Jewa akabva amubata nechisimba ndokumubhinya pabonde. Gure iri rakazubuda pachena apo mwana uyu akataurira amai vake zvainge zvaitika apo ainge orwadziwa kusikarudzi.

Amai vake vakamuongorora ndokuona aine maronda zvikaita kuti vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.Jewa anobvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Yambiro yemhosva ndainzwisisa uye ndinobvuma,” anodaro.

Amai vemwana uyu vakapawo uchapupu mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey