Makore 17 mimba hapana

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Makadii sekuru? Ini muzukuru wenyu ndanetseka nenyaya yekushaya mbereko. Ndava nemakore 17 ndaroorwa asi mbereko isingabate. Murume wangu anoita sekunge ave kufunga zvimwe zvekuti ndave kutyira kuparara kweimba yedu. Ndodii?MHINDURO:

Asi muzukuru hauna kundiudza kuti kwenguva yose yakareba kudai uchishaya mbereko, wakambotsvaga rubatsiro here? Zvange zvichida kuti undiudze kuti wakamboenda kwachiremba kuchipatara, kun’anga kana kumaporofita here uye iwe nemurume wako makanzi kudii? Zvisinei, rega titaure zviripo.

Iwe muzukuru nevamwe vazukuru vangave nematambudziko akadai, ndinoda kuti muzive zvikonzero zvinoshaisa mbereko kumadzimai.

Iwe wakamborwara nehosha dzenjovhera, dziya dzinodaidzwa kunzi maSTIs, here? Kana kuti wakambobvisa nhumbu, kurwara nejeko regono here? Kana kuti unorota uchishereketa nevarume kana nezvipuka muhope?

Zvose izvi zvinokwanisa kuita kuti kubata kwembereko kunetse. Zvimwe zvacho zvinogadziriswa kuzvipatara nemachiremba, asi vanogona kuona kuti zvichida hazvichagadzirika sekunge kana wakakuvara chibereko nekuda kwenjovhera kana kuti kubvisa mimba.

Kuchivanhu zvirikowo. Kune vanhu vanosundira mweya yengozi kuvamwe kuti vatadze kubara vana. Vamwe vanongorota vaine mimba kana kuti vachitobara vana kuhope. Vamwewo vanoita zvekusungwa nevanhu vanoshereketa.

Kana izvi zvechiitika, mweya yetsvina iyi inoda kukasika kudzingwa pachishandiswa mishonga yechivanhu, iriko. Zvava kuda kuti iwe uende kune vanoziva chivanhu, vokubatsira uye kana usingazive, svika kumahofisi eZinatha vanokuudza kunowanikwa vanhu vanokubatsira.

 

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>