Makore 19 achizviitira weti

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

— ‘Kuchivanhu vachinanga vabereki vangu’

— ‘Apa dambudziko richingoda kuchipatara’

Muchaneta Chimuka —
“NDINORWADZIWA zvikuru kuti maporofita nen’anga vakandipesanisa nevabereki vangu. Baba vangu vakazofa tisisawirirane! Nekuda kwezvemanyepo zvandaiudzwa nemaporofita nen’anga, ndakasvika pakuvananga huroyi, ndichinzi vane zvikwambo zvinondiita mukadzi nekunwa weti yangu iyo yaingojujakubuda. Nyambisirwa handizvo, raiva dambudziko rinodaidzwa kuti ‘obstetric fistula’.”

Uku ndiko kudemba kana kuti kudunura kuri kuitwa nemudzimai wekuHeadlands, kwaRusape uyo ari kuti ange ararama nedambudziko rekungojuja weti asingazvitarisire kubvira paakasununguka mwana wake makore 19 adarika.

Kuchivanhu – kun’anga nekumaporofita – kwaaifamba, baba vake ndivo vaibatwa vachinzi vane mishonga yakaipa yekutsvaga kupfuma iyo yavanoshandisira mwanasikana wavo uyu.

Nekuda kwekushaya ruzivo rwakakwana pamusoro pedambudziko rake, mukadzi uyu anoti akafamba kun’anga nekumaporofita kwakawanda uko aiudzwa kuti mubereki uyu ndiye ane zvikwambo zvinomuita mukadzi nekunwa weti yake.

Tuwede Adams (30) akatsangangura nyaya iyi muHarare svondo rapera pazuva rekuparurwa kwechirongwa chekusimudzirwa kwezveutano chinotsigirwa nehomwe yeUK Department for International Development Programme.

“Ndakapumha vabereki vangu huroyi uhwo vakanga vasina nekuda kwedambudziko rangu nekuti takamboedza kuzvipatara zvakawanda asi hapana vakakwanisa kupedza dambudziko iri. Ndipo patakazosarudza kuita zvemuchivanhu tichienda kumaporofita nekun’anga, uko taiudzwa kuti baba vangu vane chikwambo chavaishandisa kuti vapfume kuburikidza nekunwa weti yangu, naizvozvo ndivo vainzi vaiita kuti ndingoita weti ndisingazvinzwe kana kuzviziva,” anodaro Adams.

Anoti iye nedzimwe hama dzake vakabva vatanga kupandukira vabereki vake nepamusaka pezvavaiudzwa kun’anga nekumaporofita.

“Ndakazoziva kuti ndine dambudziko rekutsemuka dundiro – obstetric fistula – iro rakakonzerwa nekunonoka kuenda kuchipatara pandaiva nepamuviri sezvo ndakazoenda nhumbu yangu yava nemwedzi mipfumbabwe uye mwana akanga atoneta, oda kubuda.

“Machiremba vakabva vandivhiya asi mwana akazobuda akafa. Dambudziko iri ndakazoriziva mushure memakore 19 apo ndakanovhiiwa, ndikasonwa kuchipatara cheChinhoyi Provincial Hospital zvichibva zvangopera. Ndakaenda kuchipatara ichi mushure mekunge ndanzwa zvichishambadzwa pamaredhiyo kuti kune sangano reWomen Health Alliance (WAHA) neUNFPA vari kubatsira vanhukadzi vane dambudziko serangu,” anodaro Adams.

Adams anotenda zvikuru Hurumende kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, UNFPA, Unicef nevamwe vatsigiri mukuunza zvirongwa zveutano zvinosandura raramo yevanhu.

“Ndinofara nekuti ndava munhu ane chiremera sevamwe. Ndava kukwanisa kuenda kurufu nekuita mamwe mabasa ndichiriritira mhuri yangu zvinova zvinhu zvandaisakwanisa kwemakore 19 adarika. Ndairarama muhusungwa hwekujuja weti. Zvisinei, ndine bundu guru pamoyo pangu, kuti baba vangu vakashaya ndisati ndavakumbira ruregerero nekuvapumha huroyi kwandakaita zvichikonzerwa nemaporofita nen’anga avo vaindiudza zvekunyepa. Dambudziko rangu raingoda chipatara bedzi,” anodaro.

Adams anokurudzira vamwe vanhukadzi vane dambudziko rekungojuja weti kana tsvina, kuti vaende kuchiptara kunobatsirwa nenguva pane kupedzerwa nguva nemaporofita nen’anga vachinyeperwa.

United Nations Resident Coordinator, Dr Mahomed Ayoya, vanoti kubvira mugore ra2013, madzimai anodarika 300 ane dambudziko rekungozviitira weti vakabatsirwa, vamwe vanodarika 310 000 ndokuvhenekwa gomarara rechibereko.

Pamusoro pezvo, vanhukadzi 41 000 vari kusangana nezvimhingamipinyi zvekushaya nzira kwadzo dzekuti vabatsirikane apo vanosangana nematambudziko akaita sekutapurirwa utachiona hweHIV uye kusimudzirwa utauno hwesikarudzi.

Share This:

Sponsored Links