Uncategorized

Makore 20 amai vakatetereka . . .mweya ndiye tugu pamwana

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Makore 20 amai vakatetereka . . .mweya ndiye tugu pamwana VAMICHAEL Madzivanzira (kuruboshwe) naVaWalter Madzivanzira vachitaridza guva raRonica Madzivanzira

Kwayedza

VAMICHAEL Madzivanzira (kuruboshwe) naVaWalter Madzivanzira vachitaridza guva raRonica Madzivanzira

VAMICHAEL Madzivanzira (kuruboshwe) naVaWalter Madzivanzira vachitaridza guva raRonica Madzivanzira

MWEYA wemudzimai wekuChiweshe, uyo akatetereka mugore ra1994 zvekutadza kuwanikwa nehama dzake, unonzi wakazobata pamwanasikana wake zvikaita kuti hama dzake dzizive nzvimbo yaakafira.

Pachishandiswa nzira dzechivanhu, hama idzi dzakazotora ivhu repanzvimbo yavakanongedzwa nemweya uyu ndokunoriviga sezvinongoitwa mufi.

Ronica Madzivanzira, wemubhuku rekwaMushambwi, anonzi akangobva pamusha achiti aibvakacha ndokutadza kudzoka.

Hama dzake dzinonzi dzakamutsvaga kwose kwadzaifungira kuti dzingamuwane, kusanganisira kuenda kunoshopera kun’anga nekumaporofita, asi zvakashaya basa.

Mushure memakore 20 Ronica anyangarika, mweya wakazonobata pamwanasikana wake, Turukasi Lucas Ndonda, uyo anonamata chechi yepositori uchitsanangura mafiro aakaita nekwaakafira.

VaWalter Madzivanzira (60), avo vanova muzukuru wemushakabvu, vakatsinhira nyaya iyi vachiti vakashamiswa zvikuru sezvo vakanga vanzwa nekunyeperwa nemaporofita nen’anga.

“Ichokwadi tete Ronica, hanzvadzi yababa, vakatsakatika muna1994 tikashaya kana pavakafira. Kwataifamba tainzi vakaenda kuMozambique vamwe vachiti vakarasikira nekuHoward, zvakawanda zvatakaudzwa.

“Zvino mweya watete wakaramba kurova ndokuzobata pamuzukuru wangu mwana wavo, Turukasi, uyo akatanga achiita zvekurota. Zvakazonyatsomubata svondo rakapera akanotirakidza pavakafira mugomo reTsimenhuriko, padyo nemusha wavo,” vakadaro VaMadzivanzira.

Vanoti nguva yakashaikwa Ronica ivo vaiva kubasa ndokutanga kuzvitsvaga semhuri dakara vaneta.

“Tete vaiva vakaroorwa ndokudzoka kumurume uko vakasiya vana vatanhatu. Vakauya kuzogara mumusha medu pamba pababa vavo. Vazokatanga kuita sevaida kubatwa nemudzimu zvinova zvinonzi ndizvo zvakakonzera kutetereka kwavo sezvo mudzimu uyu wakashaya anogadzirisa. Zvinonzi mweya wemudzimu uyu ndiwo wakazonovauraira mugomo neshungu.”

Nyaya iyi vanoti yakazotanga kubuda munaGunyana gore rino apo Turukasi akavanyorera tsamba ari kuGuruve kwaakaroorwa achiti airota amai vake vachimuratidza nzvimbo yavakafira vachiti vaida kuvigwa zvine chiremerera.

“Tsamba iyi ndakaiona, yaitsanangura hope dzemuzukuru uyu achiti ndakarota amai kaviri vachiti vaiva vafira mugomo reTsimenhuriko apo vaiti havana kupondwa asi kuti vakafa nenzara. Mapfupa avo akazodyiwa nemhuka dzesango nembwa mamwewo akatsva nemoto. Isu semhuri takazoungana ndokushevedza muzukuru Turukasi, akataura kuti akarota hope idzi kaviri,” vakadaro VaMadzivanzira.

Mhuri iyi yakazofamba ikanotaurirwa kuti hope dzemwanasikana uyu dzaiva dzechokwadi ndokunzi vanotora amai vemuchakabvu nababa vake.

“Takazoenda kuchechi yaiva muno apo takashevedza baba vedu vasara, VaPhilimon Madzivanzira, ndokusvikowana Turukasi akabatwa nemweya watete Ronica painamatwa apa.

“Ndichingosvika, mweya uyu wakataura zita rangu uchiti ‘mwana wehanzvadzi yangu wauya’ uchiti unoda kundiudza kwavakafira. Kuna baba VaPhilimon wakabva watiwo ‘wauya hanzvadzi yangu? Hendei ndinokuratidza pandakafira.’”

VaMadzivanzira vanoti mweya uyu wakatungamirira vanhu vaidarika zana kukwira mugomo reTsimenhuriko ndokunosvika panzvimbo yainzi ndipo pakafira Ronica.

Vanoti vakazotanga kuchera panzvimbo iyi vachifunga kuti dzimwe nguva vangawane mapfupa.

“Takafukunura nemapadza tichida kuona, mweya uyu uchibva wati hapana chataigona kuona nekuti mutumbi wakapiswa nemoto wesango unopisa gomo iri gore negore asi dzimwe nhengo nemapfupa zvakadyiwa nemhuka. Wakati ‘torai ivhu chete pano munondiviga padyo nepakavigwa amai nababa,’” vakadaro.

Vanoti izvi zvakaitika nemusi wa9 Mbudzi zuva ronodoka.

VaMadzivanzira vanoti mhuri yavo yakatora ivhu panzvimbo iyi ndokuzouraya mbudzi vave kumusha vachibva vatenga bhokisi, vanhu ndokuungana vachichema Ronica. Mhere yaitoridzwa sezvinonzi vaive parufu rwuchangobva kuitika.

“Takatoita chivanhu chose chinoitwa panofa munhu apo takaisa musoro wembudzi nevhu ratakatora mugomo mubhokisi, ndokutochera guva ratakaviga tete Ronica. Izvi zvakatiratidza kuti mweya wemunhu haurovi.”

Turukasi anonzi akazobatwazve nemweya wezimbuya remhuri iyi rinonzi Tewe.

“Tichangopedza kuviga, Turukasi akabva abatwa nemweya wambuya vedu achiti ‘ndini Tewe ndakatambudzika kwenguva refu ndichida kubuda hapana akandibatsira, nhasi ndazodzoka naye muzukuru wangu’. Mbuya Tewe ava ndivo vane mudzimu waida kubuda pamuchakabvu unova wakashaya anogadzira kudzimara wakazokonzera kutetereka kwemunhu. Kunonzi kuparura homwe,” vakadaro VaMadzivanzira

Kuburikidza nechiitiko ichi, VaMadzivanzira vakakurudzira veruzhinji kuti vatevedzere chivanhu zvisinei nezvitendero zvavanopinda.

“Tose tinoita zvechechi asi panyaya iyi hapana munhu akapokana nekuti mweya wemufi haurovi. Kunyangwe vaiti havaite zvechivanhu vakazochiita, kusanganisira neni. Iye mwana akabatwa nemweya uyu mupositori asi zvakashaya basa.”

Mumwe muzukuru wemushakabvu, VaMichael Madzivanzira (54), vanoti vakafara kuti pakafira tete vavo pakawanikwa. “Tete ava ndivo vaiva gotwe mumba mababa vedu, tairwadziwa kuti tishayewo ratinoti guva ravo,” vakadaro ndokuwedzera vachiti ivo vanopinda chechi isingaite zvechivanhu, yeLight of God asi apa vakazviita.

Turukasi, uyo anonzi akabatwa nemweya waamai vake, haana kuwanikwa sezvo ainzi akanga adzokera kumurume wake kuGuruve.

 

Share This:

Sponsored Links