Uncategorized

Makore 8 ari munhukadzi . . .

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Makore 8 ari munhukadzi . . .

Kwayedza

KWEMAKORE 8 – ehe masere – kubva paazvarwa, mwana uyu ange achinzi musikana, achitopfekedzwa mbatya dzechikadzi uye achirerwa sezvinoitwa vanasikana – PAZVOSE.

Heano mashura kumhuri yake!

Panoti gore rechisere kubva aberekwa “ngende”, musikana uyu asanduka – hanzi nemachiremba kwete, “UYU MURUME AKAZARA”, haasi musikana.

Iri ndiro dambudziko ratenderedza pfungwa dzevabereki vemwana wekuEpworth, muHarare, uyo ava nemakore masere okuberekwa – rekuti mwana wavakarera kwemakore ose aya vachiti munhukadzi ava kunzi nemachiremba munhurume.

Kukura kwaChipo (handiro rake zita chairo nekuti achiri mudiki) kusvika zera raava, anopfeka mbatya dzechikadzi, achitamba zvose nekurara nevanhukadzi sezvo achinzi musikana. Chiso chake ndiko kwachakarerekerawo.

Asi magwaro eongororo dzakaitwa nemachiremba kuburikidza neLancet Clinical Laboratories nechipatara cheHarare Central Hospital, ayo ane Kwayedza, ari kuti: “The above finding is characheristic of a normal MALE chromosome pattern” (Zvabuda zvinonyanya kurerekera kumunhurume akazara.)

Nyaya yavepo ndeyokuti vabereki vaChipo vachiunganidza mari dzekuti musikana uyu achigadzirwa nemachiremba kupedza dambudziko iri.

Chipo ari kuita Grade 2 pachimwe chezvikoro munzvimbo inogara vanhu vakawanda iyi.

Amai vake, Agness (24), vanoti vakamubereka aine sikarudzi mbiri – yechirume neyechikadzi – uye hapana danho ravakambotora kuti zvigadziriswe.

Baba vaChipo, VaParadzai Punzai (29), zvose nemudzimai wavo Agness, vanobva kwaMutare uye vanoti dambudziko remwana wavo havariburitse kuhama dzavo.

“Dambudziko remwana takariona apo ndakangomusununguka mukiriniki yekwaMutare munaNyamavhuvhu 2007. Vakoti vakangondiburitsa mukiriniki pasina mazano avakandipa kusvikira izvozvi,” vakadaro amai vaChipo.

Mudzimai uyu anoti dambudziko iri vakaritaura kuchechi kwavo kuZaoga uko vakazopihwa US$360 yavakaendesa kwachiremba kuti Chipo aongororwe apo zvakazobuda kuti akasimbira kumunhurume, kwete munhukadzi.

“Mwana uyu akanotorwa ropa kuLancet Clinical Laboritories. Zvakabuda kuti mahomoni ake akasimbira kune echirume pane kuchikadzi. Nekudaro zvakanzi anofanirwa kuvhiiwa kuti aitwe murume zvisinei kuti isu tinomuti musikana.

“Asi dambudziko riripo izvozvi mwana uyu anonzi nevanhu vose, kusanganisira kuchikoro, musikana. Nematsamba ake

l Endai kuPeji 12

 

 

l Kubva kuPeji 6

ekuzvarwa anoti musikana. Mbatya dzaanopfeka ndedze chisikana, saka zvichafamba sei? Tochinja zvose kubvira kumatsamba ekuzvarwa here?

“Ndinoona sezvinokanganisa mwana magariro ake kunze kwekutenge tave kutama kubva muno matinogara maanozivikanwa,” vakadaro amai vaChipo.

Vanoti vane dzimwe pfungwa dzinomboti kudai mwana uyu asiiwa akadaro orarama sezvaari.

“Tine hama shoma dzinoziva nyaya iyi asi havana basa nazvo. Vanongotiwo ndezvedu. Isu takambofunga kuti kuroyiwa kwemwana ndokuzotaurirwa nanachiremba kuti zvinoitika.

“Dambudziko hombe ratinaro nderekuti tinoda rubatsiro kuti Chipo akwanise kuvhiiwa zvakanaka sekutaurwa kwazvinoitwa nanachiremba, isu hatina mari,” vakadaro.

Chipo ndiye wekutanga mumhuri iyi uye mumwe wacho mukomana.

“Dambudziko randiinaro ini saamai nderekuti pamwana uyu chechidzimai ndicho chinoshanda, kungava kuita weti, chechirume hachina zvachinoita. Ndave kusiira zvose kumachiremba,” vakadaro amai vaChipo.

Amai ava vanoti vanoshanda semubiki pane imwe kireshi muHarare uyuwo murume wavo mushandi wemubindu pamba.

Pari zvino vakamirira kuenda naChipo kuchipatara cheHarare Central Hospital kuti anoongororwa zvakare, zvoonekwa kuti kuvhiiwa uku kunoda mari yakawanda zvakadii.

VaPunzai vakaudza Kwayedza panhare kuti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwana wavo anunurwe padambudziko raakatarisana naro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0714 101 112 kana pa0782 820 830.

Share This:

Sponsored Links