Uncategorized

Makore maviri ndamuroora . . .‘mudzimai wangu angori mhandara’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Makore maviri ndamuroora . . .‘mudzimai wangu angori mhandara’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wechidiki wemuHarare anoti imba yake nemudzimai waakaroora makore maviri akadarika yatarisana nekuparara sezvo ari kutadza kuita bonde naye nekuda kwekushaya simba zvachose.

Peter Chako (28) naRuvarashe Choto (23) (haasi mazita avo chaiwo) neChipiri svondo rino vakanopotera kuchirongwa cheTilda Live Show icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM vachitsvaga rubatsiro padambudziko ravakatarisana naro iri.

Vaviri ava vakaperekedzwa naamai vaChako avo vatichangoti Mai Ruramiso Chakasara (56).

Chako ari kunzi akarumwa nenyoka kusikarudzi yake aine makore maviri ekuberekwa, izvo anoti aisazviziva pose apa.

Anoti nyaya yekurumwa kwake nenyoka yakazobuda apo akaroora mushure mekunge ashaya moto zvachose muimba yekurara nemudzimai wake.

“Ndakaroora mugore ra2015 ndikabvisa pfuma yakawanda kumadzitezvara angu. Asi dambudziko ravapo nderekuti mudzimai wangu achiri kungova mhandara, ndatadza kumuvarura sezvinoitwa nevamwe varume. Handina kana simba.

“Makore maviri aya hapana kana zuva rimwechete ratakamboita bonde nemukadzi wangu,” anodaro Chako.

“Semunhu akakura achinamata, handina kumbobvira ndakadanana nemumwe musikana muupenyu hwangu kunze kwaiyeyu wandakazoroora. Hatina kana kumboshinha tose tiri mukomana nemusikana kusvikira ndakazozviedza tave mumba ndokuona pasina chinobuda.

“Masvondo akapera ndakatombonwa mushonga wemakonzo ndikanoponera muchipatara ndaona zvangu kuti zvakakodzera kuti ndife pane kuomesera mwana wevaridzi. Ndinodawo mwana nekugara nemukadzi wangu ndichimugutsa,” anodaro.

Chako anoti vakazoroorana nemudzimai wake mushure mekutanga kudanana mugore ra2013.

“Nekuda kwedambudziko iri, takaenda kwachiremba tikatariswa ini zvose nemudzimai wangu asi pakashaikwa dambudziko, hanzi zvose zvakanaka kwandiri nekumukadzi. Nyaya iyi inozivikanwa nevabereki vangu nekumadzitezvara, avo vakati tirambe zvedu tichigara tose vachiti dambudziko iri richapera,” anodaro.

Chako anoti kumwe kwavari kufamba vari kunzi vashandise mishonga yechivanhu izvo anoti havakwanse nekuda kwechitendero chavanopinda nemudzimai wake.

Anotizve akazoudzwa nevabereki vake kuti akamborumwa nenyoka kusikarudzi yake apo aiva nemakore maviri ekuberekwa, izvo zvinofungidzirwa kuti ndizvo zviri kukonzera dambudziko iri.

“Kumwe kwatinofamba ndinonzi ndinoshandiswa nezvikwambo uye nyoka yakandiruma yaiva yezvikwambo,” anodaro.

Choto anoti anoda murume wake izvo zvamuita kuti ashingirire kwemakore maviri pasina kana kusangana pabonde.

“Kubva pandakaroorwa pamakore maviri akadarika, hapana kana zuva rimwechete randakambowana bonde kubva kumurume wangu.

“Anomboshingirira asi hapana chinobuda, dzimwe nguva anoguma ave kutochema neshungu. Ndinokumbira kune vanokwanisa kubatsira vanunurewo wanano yedu,” anodaro.

Mai Chakasara vanoti vanoda muroora wavo zvizere uye vanomunzwira tsitsi pamwechete nemwanakomana wavo.

“Ndinorwadziwa zvikuru nekuti uyu ndiye mwana mukomana wedu mukuru, oita zvakadai? Tinoda kubatsirwa panyaya iyi,” vanodaro amai ava.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare panhamba dzinoti 0773 922 246.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey