Makorokoto President!

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Makorokoto  President!

Kwayedza

NEMUSI weChipiri svondo rino — musi wa21 Kurume — mutungamiriri wenyika President Mugabe, vakasvitsa makore 93 okuberekwa. Zvinofadza zvikuru!

Tinodaro nekuti chipo cheupenyu chinobva kuna Mwari.

Zvakakosha kurangarira rwendo rwafambwa naPresident Mugabe kubva vachiberekwa, munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe kusvika nhasi uno apo vatungamirira Zimbabwe nemamwe masangano emuAfrica zvinodadisa. Rwendo urwu rwange rusiri nyore sezvo rwuine mafaro, minzwa pamwe nemafeso anobaya mukuda kukanganisa basa rakanaka rinoitwa naPresident Mugabe. Kubvira pamazuva ehondo yekurwira rusununguko rweZimbabwe, President Mugabe vakaramba vakashinga nekutungamirira hondo iyi pasina kudududza.

Varamba vakamira pazvido pamwe negwara reveruzhinji kusvikira nhasi uno. Hondo yerusununguko yakarwiwa, Zimbabwe ikawana kuzvitonga kuzere uye tinofara kuti vanhu vatema vave kuzvitonga.

Kunyangwe pakawana nyika rusununguko mugore ra1980, President Mugabe vakaratidza kuti mutungamiriri akakodzera apo vakati panofanirwa kuva nekuregererana nekushanda pamwe chete pakati pevachena nevanhu vatema. Havana kuda kutora pfungwa yekuti vachena vaimbodzvanyirira vatema uye kuti kune vamwe vakawanda vakafa vachirwira rusununguko rwenyika ino, nekudaro hazviite kushanda pamwe chete nemabhunu aya.

Kwete, vakafunga semutungamiriri vakati kunyangwe pakambova nekurwisana, nguva iyi yakadarika nekudaro vanhu vatema nevachena ngavachishanda pamwe chete kusimudzira Zimbabwe.

Hutungamiriri hwaPresident Mugabe hwaona nhasi uno Zimbabwe ichiva pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yedzidzo yevanhu vanogona kuverenga nekunyora. Izvi zvinofanira kurumbidzwa nekuti mukurumbira webudiriro yenyika ino muchikamu chedzidzo unozivikanwa pasi rose.

Zvakakoshawo kuziva kuti chishuwo chaPresident Mugabe kuzadzikisa zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatema vatore gidi kurwisa hudzvanyiriri hwaiitwa nemabhunu. Nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere, dzidzo yaiwanikwa nevachena yakange yakasiyana neyevatema.

Asi nhasi uno wangove muchechetere semvura yeguvi.

President Mugabe vakarwa vamire mukuona kuti veruzhinji vawaniswa minda pasi pechirongwa chekugoverwa kwevhu.

Nhasi uno vakawanda vave vene vemapurazi uye chasara kushanda nesimba mukusimudzira upfumi hwenyika.

Nyaya yevhu ndiyo imwe huru yakaita kuti vanhu vatema vange vachirwisa mabhunu munguva yehondo yerusununguko sezvo vakange vatora nzvimbo dzakakorera dzose. Pamusoro pezvo, Hurumende nhasi uno – ichitungamirirwa naPresident Mugabe – iri kushingairira kuti vatema vave nemasimba munyaya dzeupfumi. Nyika dzekumadokero dzamboedza kutemera Zimbabwe zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo dzichida kukanganisa budiriro yenyika ino asi President Mugabe varamba vakamira vasingazunguzike.

Zvinongoda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvose zvibatane pakutsigira President Mugabe. Dai Mwari aramba achivatungamirira nekuvaropafadza.

Tinoti makorokoto Gushungo!

Share This:

Sponsored Links