Makoronyera orongerwa

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Makoronyera orongerwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARIMI vekuGokwe votenda zvikuru Hurumende nekuvagadzirira kwayakaita mizinda iri pedyo navo yekutengera chibage nedonje sezvo vamwe vavo vange vave kuzvitengesera kumakoronyera nemari iri pasi nekuda kwekudhura kwezvifambiso zvekuti vaende kumadhepoti ayo aive kure kunotengesa zvirimwa zvavo.

Mwaka uno, kambani yeCottco neyeGrain Marketing Board vakagadzira mizinda yavanotengera zvirimwa senzira yekurwisa nhau dzemakoronyera ayo anosibira varimi apo anotenga zvirimwa izvi nemitengo yepasi-pasi.

Varimi vemudunhu iri vanoti vainetseka zvikuru apo vaitakura zvirimwa vachinotengesa kuGMB vachishandisa zvifambiso zvavo zvinova zvaivadhurira.

Vanoti nekuda kwemitunhu mirefu yavaifamba, vamwe vaizogumisira vave kutengesa chibage chavo nemari yepasi munharaunda dzavanenge vari.

VaSilas Mutendi vanove murimi wedonje kuGokwe South vanoti kuunzwa kwakaitwa misika inotenga chirimwa ichi munharaunda mavo kwakakosha zvikuru sezvo kuchideredza nyaya dzevanhu vanotengesa donje ravo nerweseri kumakoronyera.

“Takange tichiita matambudziko ekufamba nzendo dzinodarika 40 km kuti tinge tichiendesa donje redu kumisika.

“Migwagwa yedu haina kumira zvakanaka uye varimi vazhinji muno havana motokari saka vanotohaya kana kushandisa zvikochikari.

“Varimi vazhinji zvakare vakange vasisakwanise kuendesa chibage chavo kudura guru reGMB sezvo vamwe vanenge kuchiendesa kuGokwe Centre nekuda kwekuti chinenge chiri chishoma zvinoita kuti vagumisire vava kuchitengesera kumakoronyera ne$2-$3 mugoro inova mari shoma kwazvo. VeGMB vane mitengo yakanaka chose ye$390 patani,” vanodaro.

Mumwe murimi, Mavis Mafusa, wekubhuku reMutimutema kwaMambo Nemangwe anoti kuunzwa kwemizinda inotenga donje nechibage muGokwe kwakanaka zvikuru.

Anoti kuvepo kwemizinda iyi kuchabatsira zvikuru mukuderedza kupararira kwechirwere chemahwanda sezvo varimi vanenge vasisangane vakawanda zvikuru panzvimbo imwe chete.

“Mombe dzinobva kunzvimbo dzakasiyana dzaisisangana apo tainotengesera zvirimwa zvedu zvedonje nechibage panzvimbo imwe chete nekuti dzimwe dzenguva taitopedza mazuva anodarika matatu tichiedza kutengesa izvo zvaizoita kuti mombe dzisina chirwere ichi dzidzokere dzabatira.

“Saka Hurumende yaizoramba ichidhurirwa nekuedza kurwisa chirwere ichi apo chairamba chichitekeshera,” anodaro.

Zvisinei, vamwe varimi vachiri kuramba vachitengesa chibage chavo nemari iri pasi kumakoronyera.

Vamwe vakakurukurwa navo nemunyori uno vanoti vari kutengesa chibage chavo nemitengo yepasi nekuda kwekunetsa kwemari.

“Hapana zvatingaita mwana wangu nekuti izvozvi vana vechikoro vadzingwa kunodiwa mari.

“Muzvitorowo matinotenga vanoda mari, havadi kuti tichinjane nechibage nekuti vanenge vachizoda kunohodha zvakare.

“Tiri kutengesa chibage ichi ne$2-$3 mugoro nekuti iko zvino chakawanda vanhu vari kubva mukukohwa,” vanodaro Mai Mary Jakarasi.

Gore rino, Hurumende yabura mizinda mitsva yekutengera chibage chevarimi munharaunda dzavanorimira senzira yekuderedza dambudziko rezvifambiso.

Gurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti varimi vemapoka ose vakashanda nesimba nokudaro havafaniri kuomeserwa apo vanotengesa zvirimwa zvavo.

“Nzvimbo itsva dzepedyo dzichange dzichitakurirwa zvirimwa zvevarimi nevatengi dzicharerutsira varimi panhau yezvifambiso,” vanodaro.

Mwaka wekurima wa2016/17 wakapembedzwa zvikuru nevarimi vachiti wainge wakanaka nekuti vakakwanisa kubura goho guru zvichitevera rubatsiro rwavakapihwa neHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture pamwe nekunaya kwakaita mvura zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>