Makumbe, Chigwida vakarikitwa kusa

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Makumbe, Chigwida  vakarikitwa kusa

Kwayedza

VATAMBI vetsiva vemuno vanoti Diana Makumbe naTawanda Chigwida vose vakakundwa svondo radarika mumitambo yavo yehushamwari iyo yavakakwikwidza kuSouth Africa.

Makumbe akakundwa naBukiwe ‘Aanaconda’ Nonina shasha yekuSouth Africa pazvibodzwa mumutambo uyu kozoti Chigwida akarohwa akaita chadzimira muchikamu chechina naSydney Maluleke wekuSouth Africa zvakare.

Iyi yange iri mitambo yekutanga yevatambi vaviri ava mumakore matatu adarika uye kukundwa kwavakaitwa kunorakidza kuti vanofanira kusunga dzisimbe kana vachida kusimukira zvakare.

Maneja waMakumbe naChigwida, Clyde Musonda, anoti anofara nematambiro akaita vatambi vake ava kunyangwe hazvo vakakundwa mumitambo yavo.

Musonda anoti parizvino ari kumhanya-mhanya kutsvagira vaviri ava mimwe mitambo inovabatsira kuvandudza matambiro avo.

“Matambiro akaita shasha mbiri idzi anorakidza kuti vari kufamba mugwara chairo, kunyanya Makumbe. “Makumbe akakwanisa kupedza mitambo yake izvo zvinorakidza kuti tarenda ririmo maari saka ndinovimba kuti nemimwe mitambo yatiri kumurongera achatamba zvakanaka.

“Vanga vave nemakore vasina kumbokwikwidza ndosaka vakatatarika asi kana tikavarongera mimwe mitambo yakawanda zvinogona kuvabatsira,” akadaro Musonda.

Zvakadaro, Makumbe pamwe nevamwe vatambi vashanu vanoti Kudakwashe Chiwandire (flyweight), Trevor Mpofu (heavyweight), Tineyi Mharidzo (super middleweight), Nicola Mutonhora (welterweight) naTinashe Mwadziwana (bantamweight) vari kutarisirwa kukwikwidza mumutambo weKnock Out Malaria Malawi uyo uchaitwa muna Gunyana muno.

Mutambo uyo uri kurongwa naMusonda weDelta Force Boxing Promotions akabatana naJay Masangi weHall of Fame yekuTanzania kozoti Craig Rousseau weNo Pain No Gain wekuMalawi uye vatambi vetsiva kubva kunyika 10 vanotarisirwa kuzokwikwidza pamutambo uyu zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey