Uncategorized

MAKUNAKUNA: TEZVARA VAKATORA MUROORA

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
MAKUNAKUNA:  TEZVARA VAKATORA MUROORA

Kwayedza

KWAMAMBO Musana, kuBindura, kwakaitika mashura padunhu. Munyaya yemakunakuna, kune murume akadanana nemuroora, mukadzi wemwanakomana wake wekubereka, pashure ndokubvuma mhosva nekuripa mwana wake uyu nesutu nemombe imwe chete.

Pamusoro pezvo, Silvester Chitenda (46) akaripiswazve mombe nhatu nembudzi nedare raMambo Musana pamhosva yekupisa rudo nemuroora wake, Rumbidzai Mauto (32).

Rumbidzai mudzimai waFreeman Chitenda (24), mwanakomana waChitenda.

Nyaya iyi yakapinda mudare ramambo nguva pfupi yadarika uye baba ava vakatoparadza imba yemwana wavo sezvo Rumbidzai akatotuta twake.

Pakupinda kwakaita nyaya iyi mudare kekutanga, Chitenda, uyo akagariswa patsva kupurazi reRusikana, kuRuwanga, akaripiswa mombe imwe chete asi ndokuramba achipisa rudo nemuroora wake apo mukadzi wechidiki uyu akange adzokera kumusha kwevabereki vake.

Izvi zvakaita kuti nyaya iyi ipinde mudare ramambo Musana kechipiri ndokubva tezvara uyu aripiswa mombe mbiri nembudzi pamusoro.

Murume uyu akaripawo mwanakomana wake, Freeman, nemombe pamwe nekumutengera sutu nekuda kwekumutorera mudzimai wake kwaakaita.

Chitenda haana kumboita matyira zvisinei kuti ane mudzimai, Mai Lucia Makanika Chitenda (41), uyo waanogara naye pamusha apa.

Muroora Rumbidzai aigarawo pamusha mumwe chete uyu nemurume wake Freeman.

Sylvester Chitenda

Sylvester Chitenda

Muroora uyu akatorambwa nekuda kwenyaya iyi ndokudzokera kumba kwavo kwaSabhuku Gwezere, kwaChimbiro, mudunhu rimwe chete iri.

Chitenda nemhuri yake vanopinda chechi yeZAOGA.

Freeman atova nemumwe mudzimai apo achiri “kunanzva” maronda ekutorerwa mukadzi wake Rumbidzai nababa vake.

Mudzimai waFreeman mutsva anonzi Nyaradzai Karonga (19), uyo akawanikwa neKwayedza achitova muenzi pamusha uyu pakashanyirwa dunhu iri svondo rapera.

Achitsanangura makunakuna ake nemuroora wake, Chitenda anoti akatanga achiita zvekurota achidanana nemuroora uyu kusvikira azokanda shoko rerudo kuna Rumbidzai ndokubva ngoma yapfumbira.

“Ndakatanga ndichiita zvekurota ndichipinda pabonde nemuroora kusvikira ndakazokanda shoko ndikadiwa. Zvimwe zvose yatova nhoroondo, hapana zvatisina kuita uye kakawanda mumba mudondo, kana mumota yangu.

“Mudzimai wangu ndichatomuripa nekuti ndakamukanganisira,” anodaro munyaya inonetsa kunzwisisa.

Freeman anotiwo akarwadziwa zvikuru nenyaya iyi zvisinei nekuti akaregerera baba vake.

Freeman anoti: “Chokwadi baba vakaparadza musha wangu. Kuti vakatora mudzimai wangu vanozvibvuma.

“Vakazondiripa mombe nesutu ndokundikumbira ruregerero ndikazvitambira. Izvi zvakangofanana nekufa kunouya kuchidarika, asi vanhu vose vanorwadziwa. Ndibaba vangu, handina zvandingavaite.”

Mai Melody Caroline Marufu Mauto (47), vanova amai vaRumbidzai, vanotsinhira zvakaitwa nemwana wavo, zvekudanana natezvara, vachiti zvakavabvisa chimiro nemhuri yavo.

“Ini nemurume wangu, Tinei Mauto, nedzinza rose rekwaMatemai takashaya hunhu. Zvakaitika, nyaya ikaenda kudare raMambo Musana, Chitenda akaripiswa makunakuna aya.

“Asi isu hatinawo kuripirwa zvisinei nekuti taikodzera kuripwa sezvo tezvara wemwana wedu akatizvidza zvakaipa,” vanodaro.

Vanoti mwanasikana wavo akabvuma nyaya iyi kwavari zvisinei nekuti akambotanga achiti tezvara ava vakamubata chibharo.

“Mwana wedu Rumbi akatizira kuna Freeman asina pamuviri. Mimba yakazobata vachigara kumapurazi ikoko, nyaya yekudanana kwavo ndokuzobuda ikaendeswa kudare ramambo,” vanodaro.

Pakaitika nyaya iyi, vanodaro Mai Melody Mauto, mwana wavo akadzoka kumba apo vanoti tezvara Chitenda akaramba achitevera uku achidanana naRumbidzai nyaya iyi ndokukwidzwazve kudare ramambo uko akazoripiswa kechipiri.

Freeman, achibatsirwa nababa vake, anonzi akange akaroora nemombe mbiri nembudzi zvakaenda kumhuri yekwaMauto.

Pane runyerekupe rwunoti tezvara uyu akambenge ave kurojera muroora uyu imba kuBindura, izvo zvakarambwa naamai vaRumbidzai vachiti aiva kubasa uko aishanda mubhawa. Pakasvika vatori venhau pamusha wekwaMauto, Rumbidzai haana kuonekwa sezvo ainzi akaenda kuHarare kunotsvaga basa uye baba vake vakawanikwawo vasipo. Mamwe mashoko anoti Rumbidzai ari kugara neimwe hama yake yechikadzi kuChitungwiza.

Sabhuku wemusha unogara Rumbidzai nevabereki vake havanawo kuonekwa kuti vataure pamusoro pemakunakuna aya.

Vamwene vaRumbidzai, Mai Chitenda, vanoti nyaya iyi yakavakanganisa zvikuru.

“Tinobva kwaMudzengerere, kuMt Darwin, uye kuno takauya kumunda. Nyaya iyi yakaitika, baba (Chitenda) vakadanana nemuroora inova nyaya yavanobvuma voga uye vakatoripiswa namambo.

“Muroora paakauya ini ndaifamba zvikuru sezvo ndaiva sabhuku muno ndichivasiya voga nevana. Ndipo pavakawana mukana wekudanana,” vanodaro Mai Chitenda.

Vanoti nyaya iyi yakanga yaporofitwa nemumwe munamati uyo vakanga vambotora pamusha pavo.

“Zvakaitika pakauya mumwe muporofita akati imba yangu yaizoparara nekuda kwemudzimai uyu, muroora akanga auya pano akanyora pasi kuti kwaisapera mazuva. Ndipo pakazobuda nyaya iyi taitirwa mhiko muroora akarotomoka oga kumurume wake kuti anodanana natezvara.

“Muroora uyu anonzi akaenda kunogeza ndokuzobuda akasungira jira rezambia apo akabvunzwa naFreeman kuti aiita zvakadai sei pamberi pavatezvara. Anonzi ndipo paakataura kuti vaisava vatezvara asi kuti vaiva murume wake saiyewo. Nyaya iyi yakazosvitswa kwandiri ndikavabvunza, VaChitenda vakatanga kuchema vachida kuzviuraya,” vanodaro.

“Murume wangu ndanga ndava kugara ndichimufudza apo aida kuzviuraya nekuzvisunga nekuda kwenyaya iyi.

‘‘Yakazoenda kudare vakaripiswa mombe imwe chete pekutanga. Pavakazotevera kunodanana nemuroora uyu kumusha kwake vakazoshevedzwa zvakare vakaripa mombe mbiri nembudzi,” vanodaro Mai Chitenda.

Vanoti Chitenda achibvunzwa anoti akagara achidanana naRumbi kubvira asati aroorwa nemwanakomana wake, asi murume uyu akaramba mashoko aya kuKwayedza.

“Nekuda kwenyaya iyi baba vakabvisa mombe mudanga mavo, tsiru, rekuripa kukanganisira kwavakaita mwana ndokumutengera sutu. Vakakumbira ruregerero kumwana tose takaungana. Mwana akatambira ruregerero rwababa vake pakava nekuchema mumba yose,” vakadaro Mai Chitenda.

Vanoti panyaya iyi yose vakashandisa mombe 8 vachiti vakazotengesa dzimwe sezvo nyaya iyi yakazosvika kumapurisa yava kutorwa sechibharo.

“Ndakarwadziwa nenyaya iyi zvikuru. Mwana wedu akapihwa ronda reupenyu hwose. Izvozvi akaroora mumwe mukadzi, mwana waRumbi ndakamutora tinaye pano.

“Iniwo ndinotoda kuripwawo kutadzirwa kwandakaitwa nemurume uyu. Ndakanga ndamuti ndinoda mombe nhatu asi akangonyarara.

“Handichanzwa, zvekuda kurara naye muviri wangu wakatotonhora, hapana chandichada kwaari nekuti nyaya idzi dzinobva mupfungwa,” vanodaro.

Mai Chitenda vanoti ronda ravanaro pamoyo richapora nekufamba kwenguva.

Nyaya iyi vanoti yakasvika kuchechi kwavo uko iri kugadziriswa namufundisi wavo.

“Kumusha kwangu nyaya iyi haina kusvika, ndakanga ndati tinongogadzirisana toga mumba.”

Mai Fatima Mauto (53), avo vanova amaiguru vaRumbidzai vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti yakavanyadzisa zvikuru.

“Inyaya inonyadzisa nekudzikisira madzimai pasi,” vanodaro Mai Fatima Mauto.

 

Share This:

Sponsored Links