Uncategorized

Makuva 5 akangoshama

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Makuva 5 akangoshama Rimwe ramakuva akafuma akacherwa pamusha uri kuMhondoro.

Kwayedza

MAKOMBA emakuva aye mashanu anonzi akangofuma akacherwa pamumwe musha uri kwaMashayamombe, kuMhondoro, asi vanhu ndokutadza kuziva kana kunzwisisa nyakuita izvi akangoshama nanhasi sezvo pasina ati azvipira kuafushira.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yevagari vemumusha wekwaSabhuku Marenga avo vakafumoona makuva mashanu akacherwa panzvimbo ine marinda eko.

Pamakomba emakuva aya, ayo akanyatsoyerwa sezvinoitwa nevanhu kana vachichera guva, painge pakapwanyirwa hari ndokusiya pakandwa machira matsvuku ayo ainge akasungwa chishwe. Mukati memakuva aya makangoonekwa tutsoka twunenge twevana vaduku.

Mushure mechiitiko ichi, mumwe mwanasikana wemumusha uyu akazongofa asina kurwara.

VaRichard Marenga (49), avo vanova mwana wasabhuku wemumusha uyu, vanoti hapana chati chafamba pahurongwa hwekuti makomba emakuva aya afushirwe. “Takaenda semusha kwaMambo Mashayamombe vakatiti titsvage vanotibatsira, vangava vechivanhu kana maporofita, avo vanotitungamirira nekutanga vashandira nzvimbo inoratidza kuti yakashereketerwa iyi, tozofushira makuva acho. Asi hazvisati zvaitwa, makomba akavhurika kutaura kuno,” vanodaro.

Vanoti vanhu vekuti vavabatsire vakavawana asi basa iri ramiswa nekuda kwekushaikwa kwemari inodiwa nevanoda kuchenura nzvimbo yakacherwa makuva iyi.

Kune dzimwewo n’anga nemaporofita, vanodaro VaMarenga, vari kuvavimbisa kuti vachavabatsira kufushira makomba aya asi vasingazozadzikise vimbiso dzavo zvavanofungira kuti kutya mhiko dzakaiswa panzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links