Makuwerere kuGlamis Arena

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Makuwerere kuGlamis Arena

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere svondo rino nemusi weChishanu kunhandare yeGlamis Arena muguta reHarare uko shasha yemusambo weReggae — Chris Martin — anove chizvarwa chekuJamaica anotarisirwa kuridza achitsigirwa nevaimbi vemuno vanoti Jah Prayzah, Winky D naNinja Lipsy.

Shoo iyi yave nemwedzi yakawanda ichirongwa neveRed Rose Entertainment inotungamirwa naBarbara Chikosi uyo anonyanya kuzivikanwa saMama Red Rose.

Martin ane mukurumbira pasi rose nenziyo dzakaita saCheaters Prayer neLet Her Go.

Muhurukuro naLipsy, uyo anove ndiye chete muimbi wechidzimai acharidzawo pashoo iyi, anoti akagadzirira zvikuru kufadza vatsigiri vake.

“Hana yangu yakarova kare ndichitanga asi iye zvino ndajairira, vatsigiri vangu ndakavagadzirira mutakunzanzva wega, ngavauye vazozvionera vega.

“Mhanzi ndiko kubasa kwangu saka ndinoziva kuti pashoo yaChris Martin ndicharakidza kuti ndinokodzera kuridza nevaimbi vakuru vemuno nevekunze,” anodaro Lipsy.

Vatsigiri vemhanzi vanoziva Lipsy achatanga apo akaita mukurumbira achiimba naWinky D asi iye zvino azvimirira uye ane nziyo dzakawanda dziri kunetsa dzakaita seHeavy Koso, Siya, Mababie Anoita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey