Makwikwi eAfrican Woman of the Year

13 Mar, 2015 - 14:03 0 Views
Makwikwi eAfrican Woman of the Year

Kwayedza

Munyori weKwayedza
Vanhukadzi hounoi mukana wekuti muhwine mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwina mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvakawanda zvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwina kwemibairo gore rino. Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine

Share This:

Sponsored Links