Makwikwi eAfrican Woman of the Year

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Makwikwi eAfrican Woman of the Year Charity Shingai Jonga, Glendale

Kwayedza

VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Charity Shingai Jonga, Glendale

Charity Shingai Jonga, Glendale

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvakawanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinwa kwemibairo gore rino.

Karotilda Manyuchi, Harare

Karotilda Manyuchi, Harare

Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine!

 

Vincentia Kapota, Harare

Vincentia Kapota, Harare

Share This:

Sponsored Links