Makwikwi eBoka orumbidzwa

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
Makwikwi eBoka orumbidzwa

Kwayedza

VAMWE varimi vakarumbidza kambani yemusika wefodya yeBoka Tobacco Auction Floors nemakwikwi airi kuita ekupa mibairo yakasiyana kune vanotengesa chirimwa chavo kwairi.

Makwikwi aya anozivikanwa nekuti Mabhero Jahwi Mega Bales Promotion akatanga muna 2011 uye ari kuenderera mberi apo murimi anowana mubairo wekutanga anopihwa US$5 000 nezvimwe zvekushandisa pakurima.

Mumwe murimi akaita mhanza yekuhwina mumakwikwi aya ndiVaSamuel Mugabe (37) vekumindamirefu yekuMayo kwaChiendambuya, avo vakawana mubayiro wekutanga mumwedzi waKubvumbi.

VaMugabe vanoti vakatanga kurima fodya mugore ra2006 uye hunyanzvi hwekurima vakahuwana apo vaimboshanda mupurazi rairimwa fodya.

“Ndinonzwa kufara zvikuru nekuwana mubayiro wakakura kudai kanova kekutanga kubva ndatanga kurima fodya. Ndinotenda zvikuru kambani yeBoka nekuonawo kwenyanzvi dzevashandi vavo kuti ndakakodzera kuwana mubayiro uyu nekuti chokwadi mukati mezviuru zvevarimi ndokusarudzwa, zvinoda kutendwa,” vakadaro.

Vanoti vakarima munda wakakura mahekita gumi nerimwe chete wefodya vakazoendesa mabhero 139 kumusika weBoka.

“Kubva pandakatanga kurima fodya ndakakwanisa kutenga tirakita yekurimisa nemimwewo midziyo, ndikabvisirawo pfuma madzimai angu maviri uye ndinochengeta vana vangu vasere zvakanaka. Ndakavaka musha wakanaka zvikuru,” vakadaro.

VaMugabe vanoti vane vashandi vanokwana gumi nevashanu vakabairwa zvitupa nevamwewo vavanotora vachimbomira vanosvika makumi matatu pamwe chete.

Kunze kweUS$5 000, mimwe mibairo yakapihwa murimi uyu inosanganisira

nharembozha ina, maT-shirts matatu ekwaBoka nemarambi esolar matatu.

Zvakadaro, mubairo wechipiri mumwedzi waKubvumbi wakaenda kuna Prosper Gaison (23) wekuDotito, kuMt Darwin uyo akarima hekita nechidimbu ndokuendesa mabhero 59 kumusika weBoka. Gaison akapihwa masaga 18 efetereza, gejo nepombi yekurifitisa zvirimwa.

Sinkelela Zhou wekuHescape wekuKaroi, uyo akarima hekita nechidimbu ndokuzotengesa mabhero manomwe kwaBoka, ndiye akahwapura mubairo wechitatu. Murimi uyu akapihwa mibairo inosanganisira muchina wekudhindisa mabhero, gejo nepombi yekufiritisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>