Uncategorized

Makwikwi eNew Curriculum

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Makwikwi eNew Curriculum

Kwayedza

— Vana voratidzira matarenda

Muchaneta Chimuka —
ZVIKORO zvesekondari zvekuEpworth, muHarare, neMuvhuro svondo rino zvakaita makwikwi emitambo anodaidzwa kuti Cluster Annual Science, Sports and Arts Festival (CASSAF) ayo akananga kuratidzira zvidzidzo zvakasiyana zvinoenderana nechirongwa chekuvandudza fundo, cheNew Curriculum.

Zvikoro izvi zvakaungana paEpworth High uye vana vakakwikwidza mune zvakasiyana zvinosanganisira kuridza mbira nehosho pamwe nekutamba, kuimba, madhirama nerunako (modelling).

Muhurukuro neKwayedza, mukuru weEpworth High – VaChristopher Kadenge – vanoti vanofara zvikuru nekufamba kuri kuita chirongwa cheNew Curriculum.

“Chikoro chino chimwe chezvakatanga kuitirwa pilot project yeNew Curriculum uye tinofara kuti tisu zvakare tatanga kufambisa chirongwa ichi, icho chinova chichatekeshera mune zvimwe zvikoro.

“Takatogadzira karenda rezvatichaita izvo zvichatenderera muzvikoro zvemuEpworth. Vadzidzisi vepano vamwe vekatanga kudzidziswa nezveNew Curriculum, vakaenda kunofundisa vamwe uye ini ndakatofundiswawo navo,” vanodaro.

Vanotizve vabereki vari kuratidza kufara zvikuru nezvirongwa izvi nekuti vave kuona kukosha kwazvo.

“Chirongwa cheNew Curriculum hatingati chinhu chitsva asi chakagara chiriko uye chaiitwa kubva kare padzidzo yeStandard A apo taifundiswa kurima, kuvaka nemamwe mabasa emawoko tichiri vadiki. Inhau yekuti vanhu vakange vatozvikanganwa sezvo zvakange zvave kutangira kuitwa padanho rekusekondari bedzi,” vanodaro.

VaKadenga vanoti nekuda kwekugona mitambo yechinyakare yakaita sekuridza mbira nekutamba, kudetemba nekuita madhirama, vamwe vana vepachikoro chavo vachaenda kuSouth Africa mumwedzi waChikunguru gore rino uko vachanokwikwidza.

“Pachikoro chedu tine vana vazhinji vasingagoni muchikoro avo vanenge vari mumaSpecial Classes. Asi nekuda kweNew Curriculum, takaona kuti vana ivavo vane zvimwe zvinhu zvavanogona muupenyu.

“Vamwe vanogona kutamba, kuridza ngoma, kudhirowa nezvimwe. Mumwe nemumwe achizvarwa ane zvipo zvake zvaakapihwa naMwari uyewo pachikwata chevana vedu chichaenda kuSouth Africa, tine mwana akange ari kukundikana mudzidzo anonzi Byron Kanhapa (14).

“Vabereki vake vakatoshamisika kunzwa kuti mwana wavo ari kuenda kuSouth Africa saka anofanira kutsvagirwa pasipoti nekuti vaitofunga kuti hapana chaanogona asi iye anogona kutamba mitambo yepasichigare, mbira nemarimba izvo zvichaita kuti afambe nyika zhinji kana tichienzanisa neavo vanogona muchikoro bedzi,” vanodaro.

VaTimothy Chinyadza, avo vanove arts and culture director vari zvakare murongi paEpworth High, vanoti vakagara pasi nezvikoro zvesekondari zviri mudunhu ravo zvinosanganisira Domboramwari High, Muguta High, Mabvazuva High neManyame High ndokuronga mitambo yavacharatidzira zvichienderana neNew Curriculum.

“Tichapinda muzvikoro izvi mumazuva akasiyana pasvondo apo vadzidzi vachange vachiratidzira zvipo zvavo sekushambadza runako, zvipfeko zvemuno (African attire), mitambo yenhabvu, chess, kuimba, madhirama, kutaura pamberi peruzhinji nezvimwe.

“Tine vana vari kugadzira zvinhu zvikuru sendege nemishonga yechivanhu, tsoro, draft nezvimwe.

“Kuburikidza netsoro, vana vanenge vachitodzidza masvomhu uye vamwe vave kutoita sainzi dzekuziva miti inorapa zvirwere zvakasiyana,” vanodaro.

Vanoti pamakwikwi avakaita aya, chikoro cheEpworth High ndicho chakatora mukombe chichiteverwa neManyame High neMabvazuva High.

“Tinofara zvikuru nechirongwa cheNew Curriculum nekuti varairidzi nevana vave kuziva zvinodiwa. Asi dambudziko ndere nzvimbo dzekuitira mitambo nemabasa emawoko nekuti nzvimbo dziri muzvikoro zvedu idiki, uye zvinoda nguva yakareba kuti zvinge zvichiitwa nemari yekutenga midziyo yekushandisa semarimba nezvipfeko,” vanodaro VaChinyadza.

Mai Rudo Mbirimi, avo vanove head of guidance and counselling paEpworth High, vanoti New Curriculum inobatsira vana kuburikidza nekuvadzidzisa zvakasiyana izvo zvinovayamura mune remangwana. Vanotenda kambani huru mune zvenhau, yeZimpapers Group, nekuvatsigira nemapepanhau — zvikuru reKwayedza — ayo avanoti anobatsira vana muzvidzidzo zveShona.

Vanoti gore rapera, pabvunzo dzeA-Level dzeShona, vana vavo vakabudirira nechikamu che100%.

Zvakadai, Miranda Mundokweya (19) — uyo anove Junior MP weEpworth uye ari muForm 6 paDomboramwari High — anoti zvirongwa zvakadai zvakakosha munyaya dzedzidzo sezvo zvichipa mikana kuvana kuti varatidze zvipo zvavo.

“Ndinofara nezvirongwa zveNew Curriculum zviri kuitwa munzvimbo yedu nekuti zvinobatsira mukubvisa zita rakashata iro rinowanzonenerwa Epworth ichinzi yakasaririra, ine mbiri yembavha nepfambi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>