Uncategorized

mambo akadzikwa demo

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
mambo akadzikwa demo

Kwayedza

— Takatosunga munhu wacho: zrpl Takatosunga munhu wacho: ZRP

Daphne Machiri —
MAMBO Makope, VaJacob Mapirinjanja, vekuMvurwi, kuMashonaland Central, vakapona nepaburi retsono nemusi weChishanu svondo rapera apo vanonzi vakatemwa nedemo nechekumusana ndokukuvara zvakanyanya nemumwe murume wechidiki weko.

Mambo ava vanonzi vakadzikwa demo nemurume uyu mushure mekunge vamutsiura kuti asateme muti werudzi rweMusasa uyo unonzi wave kusvitsa makore 100.

Muhurukuro neKwayedza, Mambo Makope vanoti vakakuvara zvikuru pavakatemwa nedemo uye vakanorapwa kuchipatara cheMvurwi Hospital.

“Ndaityaira mota ndichienda kumba, ndipo pandakaona mukomana wechidiki uyu – Belington Nyamadzawo (24) – achitema muti weMusasa uyo unofungirwa kuti wave nemakore anosvika 100. Ndakatsauka padivi ndikamuti, ‘Ko, iwe unogotema muti uyu sei uye munzvimbo yangu samambo. Hauone kuti kuzvidza dare kwaunoita here?’

“Ndakamuti pasi pemutemo wenyika pamwe nebazi rinoona rezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa, reEnvironmental Management Agency (EMA), hazvibvumidzwe kungotema miti yesango,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti vakaudza Nyamadzawo kuti zvaisaita kuti atakure huni nyoro dzaakange atema kubva pamuti uyu.

“Akandipindura achiburuka mumuti waaitema akasimudza demo mudenga achiti, ‘Saka ndiwo wakakodzera kutemwa, une huni dzakawanda’.

“Ndipo paakandikanda demo katatu, kekutanga demo rakapfuurira kunditema kumusana asi aida kutema musoro chaiwo. Rechipiri ndakazovhika ndatoona kuti ndave kufa kana ndikasazvibatsira rikamaranzura ruwoko. Retatu ndakarivhika zvakare.”

Mambo Makope vanoenderera mberi vachiti: “Kudai ndakateta kuvhika, ndingadai ndakatofa kutaura kuno. Ndakasonwa masitichi masere paMvurwi Hospital kuvhara ronda randakatemwa.”

Vanoti muti wakatemwa uyu waikosheswa zvikuru mudunhu ravo.

“Kutemwa kwemuti uyu kwakave chiratidzo chekubviswa kwechimiro chedunhu pamwe chete nechangu samambo. Vanhu vanotsvaga huni vaisiunyenyeredza muti uyu.

“Mukomana uyu ane dambudziko guru nekuti akambotema mapango etambo dzemagetsi ndokuazvuva kuenda nawo kumba kwake achiti aida kuaita huni zvinova zvakandishamisa,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland Central – Inspector Milton Mundembe – vanotsinhira nyaya yekutemwa kwaMambo Makope nedemo vachiti yakamhan’arwa paMvurwi Police Station iyo ine nhamba dzinoti RRB 3014528.

Vanoti Nyamadzawo akatosungwa uye ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Yambiro yedu tinoti vanhu remekedzai mitemo pamwe nemadzishe, madzimambo nevamwe vatungamiriri vose vemunharaunda. Mukomana uyu ari kutarisirwa kupinda mudare kuti agotongwa nemhosva yekuda kuuraya munhu kana zvichitariswa chombo chaanonzi akashandisa kutema munhu,” vanodaro.  Mwedzi wapera, Kwayedza yakaburitsazve imwe nyaya yaMambo Chivero, vekuMhondoro – VaBrown Shopo – avo vaiti vakarwiswa parufu apo vainge vanoyananisa imwe mhuri.

Share This:

Sponsored Links