Uncategorized

Mambo ari kuvava

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

— ‘Garai nevana kudzimba’
— ‘Kwete izvi zvekuvarojera’
— ‘Zvinovatuma hunzenza’

Muchaneta Chimuka —
MAMBO Nemangwe vekuGokwe vanoti vari kushushikana zvikuru netsika iri kuitwa nevamwe vabereki avo vari kurojera vana munzvimbo dzemabhimizisi ari mudunhu ravo apo vanogara vachienda kuchikoro vachiti maitiro akadai anorunzira hunzenza muvana.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyira dunhu iri ndokuona vamwe vana – vakomana nevasikana – vanodzidza pachikoro cheNemangwe Secondary School asi vanobva kumisha iri kure, avo vari kuroja vachigara panzvimbo yemabhizimisi yeCotton Marketing Board Shopping Centre.

Vamwe vevana vakakurukurwa navo vanoti havana sarudzo, kunze kwekuroja panzvimbo iyi sezvo vachibva kumisha iri kure, mimwe yacho iri chinhambwe chinodarika makiromita gumi.

Mambo Nemangwe, VaMike Nemangwe, vanoshora tsika yekurojera ndumurwa iyi vachiti inobvisa hunhu hwakanaka muvana.

“Nyaya iyoyo ndiyo imwe yatiri kutoda kugadzirisa, kuti titaure nevabereki vevana ivavo nekuti hazvina kukodzera zvachose kuti vana varojerwe pedyo nepamabhawa. Zvitori nani kuti vabereki vagarise vana ivavo mumisha kuhama pane kuvarojera nekuti vachapanduka vakatadza kuvadzora uye zvinoshoresa nzvimbo yedu,” vanodaro.

Vana vakakurukura neKwayedza vanoti vakasarudza kugara panzvimbo iyi nekuti vakaona kuti kufamba kwavaiita nzendo refu vachienda kuchikoro kwaidzorera fundo yavo shure.

“Isu tinogara kure chaizvo, zvekuti taifamba makiromita gumi kuenda kuchikoro saka vabereki vedu vakasarudza kutirojera pano asi pakupera kwevhiki tinoenda hedu kumba,” anodaro Primrose Hapazari.

Mashoko ake anotsinhirwa naSithembiso Mpofu achiti aifambawo makiromita manomwe kuenda kuchikoro, izvo zvaimurwadza zvikaita kuti asarudze kunoroja.

“Pano patiri kugara tiri kubhadhariswa $10 pamwedzi asi mumwe nemumwe ari mukamuri yake nekuti tinotyira nyaya dzekubirana chikafu uye vamwe havazotengi, vanenge vongodya chevamwe. Tinotakura chikafu chedu chepasvondo uye vabereki vedu vanopota vachitishanyira.

“Hapana hapo magetsi saka tinoshandisa makenduru kana matochi esolar pakuverenga,” anodaro.

Takudzwa Muchatema anotiwo aifamba makiromita anodarika gumi kuenda kuchikoro, izvo zvaikanganisa dzidzo yake sezvo aisvika aneta.

“Hongu, pano hapanakidzi kugara nekuti hapana magetsi uye tinenge tiri kure nevabereki asi chakakosha kuwana dzidzo uye ndiri kutotenda vabereki vangu kuti vakandizorodza. Ndaifamba makiromita anodarika 20 pazuva saka ndaitomukira kuenda kuchikoro kunze kuchakasviba ndichizodzokazve kumba kwasviba zvakare. Aitova marwadzo asi iko zvino tave kungofamba kiromita imwe chete bedzi sezvo tichirojerwa pano pazvitoro,” anodaro.

Obvunzwa kuti vanogona kuzozvibata here kana vachigara voga pedyo nemabhawa apo vanenge vari kure nevabereki, Takudzwa anoti zvinosiyana munhu nemunhu.

“Nyaya dzemisikanzwa dzinoitika kana vana vachigara kure nevabereki asi zvave kungoda shungu dzemunhu pakudzidza nekuziva zvaakavinga kuno. Kuvanakomana ndinoona zviri nani kuroja kana tichienzanisa nevanasikana sezvo mikana yekumitiswa inogona kuwanda nekuti husiku hwese vanenge vari voga. Vamwe vanenge vave kuda kudya twunonaka,” anodaro mwana uyu

achiseka hake.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vabereki, avo vakapa mafungiro akasiyana pamusoro penyaya iyi.

“Kurojesa vana kwakanaka kana uchionawo nzvimbo yavari yakakodzera kuti vagare, vakachengetedzeka. Asi panodawo paine mumwe munhu mukuru anovatarisa — nguva dzavanodzoka kuchikoro, kudya nenguva dzekurara. Vana vanokuitira mashura uchifunga kuti uri kuvabatsira ukazochema,” vanodaro Mai Susan Dube vanogara munharaunda iyi.

Vamwe vabereki ndivo vanoti vana vanotofanira kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro kuitira kuti vazive nhamo.

“Vana havafanire kurererwa muchipunu seshuga, vanorojerwa kuti zvaita sei? Isu taifamba makiromita anodarika gumi seavari kuzeza iwayo, asi takapasa wani! Kana mwana akatofamba nzendo refu anoziva kukosha kwechikoro,” vanodaro VaJoseph Dhilwayo.

VaJames Moyo vanoti vana vanorojerwa vakasiyana zvachose nevanogara muzvikoro zvebhodhingi.

“Kurojera mwana hakuna chimiro zvachose, mungava mumamisha kana mumaguta. Vamwe vana vanoonekwa vachifamba husiku vachimira-mira mumabhawa asi vari vana vechikoro vanhu voshaya kuti ko vabereki vavo vari kuti chii nazvo, nyambisirwa vabereki vanenge vachitofungawo kuti vana varere mudzimba dzavanovarojera.

“Vana vari mumabhodhingi vanenge vaine vatariri nokudaro kashoma kuzonzwa nyaya dzechipfambi. Kurojera mwana kunofanira kuenderana nezera rake zvakare,” vanodaro.

VaMoyo vanoti vamwe vana vanenge vari vadiki zvakanyanya zvekuti vanokasika kufuririka vopedzisira vave kuita misikanzwa.

Share This:

Sponsored Links