Uncategorized

Mambo Nyoka vakagadzwa

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Mambo Nyoka vakagadzwa MAMBO Nyoka vachipihwa “sando” dzavo naCde Ignatius Chombo. — Mufananidzo: Yvone Chipato

Kwayedza

MAMBO Nyoka vachipihwa “sando” dzavo naCde Ignatius Chombo. — Mufananidzo: Yvone Chipato

MAMBO Nyoka vachipihwa “sando” dzavo naCde Ignatius Chombo. — Mufananidzo: Yvone Chipato

Yvonne Chipato
AKANGE ari makuwerere svondo rapera kuChivhu apo vagari veko vaipemberera kugadzwa kwaMambo Nyoka mutsva – VaMusafare Newton Matizha (59).
Vachitaura pakugadzwa kwamambo ava paChamukwenjera Primary School, gurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde Ignatius Chombo, vakati humambo chinhu chakakosha mutsika nemagariro evatema nekudaro hunofanira kuchengetedzwa nenzira dzakanaka.

“Madzimambo ane basa guru rekuchengetedza vanhu kuburikidza nekutonga nhubu dzinobhinya vana. Ndivozve vanochengetedza tsika dzedu dzechivanhu nekuyeresa nzvimbo dzakakosha mumatunhu mavo.

“Miti yakatikoshera mumagiriro edu sevanhu naizvozvo madzimambo ibasa ravowo zvakare rekuchengetedza miti pamwe nekuranga vanotema miti nekupisa masango,” vakadaro Cde Chombo.

“Dunhu reChikomba rinonyanyozivikanwa nekuchengetwa kwemombe naizvozvo ndinoti zvakare ibasa ramambo nemachinda ake rekuti nzvimbo ino ichengetedzwe kuburikidza nekutongwa kwemakororo anenge achiita zvekuba mombe. Ibasa ramambowo zvakare kukurudzira kurimwa kwezvakaita sezviyo nemapfunde izvo zvinokwanisa kupa goho rine pundutso muzvimbo ino. Tichaunzawo mabhuru emombe dzinokwanisa kurarama kunzvimbo ino mukuedza kuvandudza kupfuyiwa kwemombe kuitira kuti nyika yedu irambe iri pamusoro munyaya dzekurima pamwe chete nekupfuya zvipfuyo.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mashonaland East Provincial Administrator, VaCuthbert Ndarukwa, vakatsutsumwa nenyaya yavanaTsikamutanda avo vari kubira vagari vemudunhu iri mari neupfumi.

“Mune dambudziko guru mudunhu rino revanhu vari kubirwa mari nanaTsikamutand, vana vachiregereswa chikoro mari nemombe zvichiperera kubhadhara vanaTsikamutanda ava. Zvinondirwadza kuti zvipfuyo zvaparadzwa nevanhu ivava.

“Ndinoshuvira kuti kuuya kwamambo wedu mutsva kuchaita kuti dambudziko iri rigadziriswe uye nyaya dzedzidzo mudunhu rino dzisimudzirwe, dzive dzinokosheswa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links