Uncategorized

Mamhepo pachikoro! . . . Ticha akarova kasikana dhimoni rikati tugu

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Mamhepo pachikoro! . . . Ticha akarova kasikana dhimoni rikati tugu

Kwayedza

Baba ndokutyorwa ruwoko

Vadzidzisi 3 vonongedzwa

Kingstone Mapupu
PACHIKORO cheRutope Secondary School, kwaMusana mudunhu reBindura, pane kusagadzikana kwezvinhu zvichitevera nyaya yevana vaviri vanonzi vari kubatwa nemamhepo.

Izvi zvinotevera kubatwa nemweya kwevanasikana vaviri vemhuri imwe chete – ari muForm 2 newe muForm 4 – pachikoro ichi svondo rapera.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mumwe wevana ava, uyo ari kuita Form 2 akarohwa nemudzidzisi wake wechirume nembama kugotsi achibva atanga kuti ainge orwadziwa zvakanyanya nemusoro. Pashure mwana uyu akazoguma ave kutaura mashoko asinganzwisisike.

Hakuna mutemo unotendera murairidzi kungoranga nekurova mwana musikana pachikoro asi mukomana anorangwa bedzi pamberi pemukuru wechikoro.

Anonzi aipomera mudzidzisi wake uyu nevamwe varairidzi vaviri vechidzimai kuti vaiva nechekuita nekurwara kwake. Vadzidzisi vatatu (mazita avo tinawo) vakanongedzwa munyaya iyi vakatobviswa pachikoro ichi mushure mekunge vebazi redzidzo kuBindura vapindira.

Amai vemusikana wekunzi akarwara mushure mekunge awatsurwa mbama uyu, Mai Epiphania Magorimbo (34), vakazoshevedzwa kuchikoro apo veruzhinji vainge vatoungana kuona mashura aya ndokubva vamuendesa kukiriniki yeMusiiwa, chinhambwe chipfupi kubva pachikoro ichi. Ndipo panonzi mwana uyu akazopunzika pasi ndokutanga kutaura zvaisanzwisisika.

Baba vevana vaviri ava, VaFrances Musonza (41), avo vanova muzvinabhizimisi, vakatsinhira nyaya iyi.
“Nyaya iyi yakatanga ndisipo apo mwana wangu weForm 2 anonzi akarohwa nemudzidzisi wake nembama kugotsi achibva atanga kurwadziwa nemusoro. Anonzi akazotanga kutaura zvaisanzwisisika achibatwa nemamhepo uye zvikazonyanya apo akatakurwa kuendwa naye kukiriniki uko aifanirwa kupfuudzwa kuchipatara cheShamva.

“Akataurira amai vake kuti aisada kuendeswa kuchipatara achiti kana izvi zvikaitika, aisvikofa uye aida kudzoserwa kuchikoro uko akati aida kunoonana nevadzidzisi vatatu ava, omhoreswa nemumwe wechidzimai wavo, achiti izvi zvikaitwa aibva apona,” vakadaro VaMusonza.

Mwana uyu akadzokwa naye kuchikoro uko mudzidzisi wechidzimai aitaurwa nemwana uyu akanzi anofanirwa kumhoresa musikana uyu kuti ararame.

Mudzidzisi uyu anonzi akaramba kuita izvi ndokuzonzi adire kasikana aka mvura yaanenge atanga ageza mawoko, chaunga chevanhu chainge chiripo chichiona.

“Mudzidzisi uyu akazoedza kudira mwana uyu mvura izvo (mwana) akaramba achiti mvura iyi yaigona kumukonzera kuti afe achiti aingoda kumhoreswa chete,” vakadaro.

Panguva iyi, mukoma wekasikana aka uyo ari muForm 4 pachikoro chinodaidzwazve nekuti Chindotwe ichi, anonzi akabva abatwawo nemweya wemamhepo apo aiedza kunamatira munin’ina wake, vana vaviri ava ndokuguma vave kurwisana pachikoro ipapa.

Pachikoro apa pakazoshevedzwa maporofita maviri ayo akanzi anamatire vana ava.
“Mudzidzisi wechirume, uyo akanga arova mwana wangu, ndakazoshamiswa zvikuru kuti akamhanya zvakaomarara
akanosvetuka waya yechikoro achiitawo seakanga abatwa nemweya. Ava vamwe vadzidzisi vaviri vechidzimai vaitaurwawo mazita avo nevana ava vakazovingwa apo vabereki nevana vechikoro vakatanga kuita hasha,” vakadaro VaMusonza.

Muimba yekudzidzira yeForm 2, umo mwana uyu anonzi akaroverwa ndokubatwa nemamhepo, munonzi munopota muchinamatirwa neimwe chechi.

Dambudziko iri rakazokonzera kuti vakuru vezvedzidzo kuBindura vaite musangano wechimbichimbi nevabereki nevadzidzisi pachikoro apa.

“Takaita musangano wakatora muswere wese kukawiriranwa kuti vadzidzisi vatatu ava vachibva pachikoro apa izvo zvisina kupedza dambudziko revana vangu nekuti vacharamba varipo pachikoro ipapa. Isu taida kuti kutsvagwe vanhu vanochenura chikoro ichi izvo zvakarambwa nevakuru vebazi redzidzo,” vakadaro VaMusonza.

Kubva musi waitika nyaya iyi svondo rapera, vana vaviri ava vange vambomira kuenda kuchikoro asi ndokuzoenda nemusi weMuvhuro svondo rino apo mukuru wacho ainonyora bvunzo dzeO-Level.Vanonzi vakaita mazuva vasingagone kudya vachibatwa nemweya uyu apo vairwa pachavo, nekurwisawo baba vavo. Izvi zvakazokonzera kuti VaMusonza vatyoke ruwoko rwekurudyi vachivarandutsira.

“Ndakatyoka ruwoko ndichidzivirira vana ava kuti vasarwe. Vanoita simba rinotyisa kana vabatwa nemweya uyu. Ndinotogara pamusiwo kuti vasatize mumba uye ndiri kufamba kuti vana ava vararame,” vakadaro baba vacho.
Murume uyu anoti haamboziva kuti akatyoka sei ruwoko izvo zvaakati zvine chekuita nemhepo dzakaipa.

VaMusonza vanotova ne”plaster” kuburikidza nekukuvara uko vakaita vachidzivisa vanasikana vavo.
Murairidzi wechidzimai pavatatu vari kupomerwa kuve nechekuita nekurwara kwevana ava anonzi ane shamwari yake inodzidzisa kwaNyava Secondary School, mudunhu rimwe chete. Chikoro cheNyava, pamwe chete neMupandira Secondary School, izvo zviri pedyo nepedyo, zvakambobuda munhau nguva pfupi yadarika kwaitika dambudziko rinofungidzirwa kuti rine chekuita nemamhepo echiSatani.

Mai Magorimbo, amai vevana ava vanoti:
“Mamwe matambudziko ari muzvikoro umu anokonzerwa nemachechi anouya achitsvaga nzvimbo dzekunamatira. Dambudziko revana vangu rakakura zvekuti tiri kutogara tichitya.”

Sadunhu Chikosha, VaElisha Chidziva (61), avo vakashevedzwa pakatanga mashura pachikoro ichi, vanoti mweya yaiva yabata vana ava idambudziko rinoda kugadziriswa.

“Ndakashevedzwa mwana wekutanga achibhidhirika nekubvotomoka achinongedza vadzidzisi vatatu. Maiva nemaporofita maviri apo mumwe mukadzi akazosvikirwa akachera gomba ndokuburitsa dombo rainzi rekumakuva rakanga raiswa pachikoro apa,” vakadaro VaChikosha.

Vakakurudzira vakuru vezvikoro kuti vasarudze machechi anouya kuzonamatira pazvikoro zvavo. “Kana chiri chokwadi kuti vadzidzisi vatatu ava vane chekuita nenyaya iyi, ngavabve zvavo pachikoro chedu,” vakadaro.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaTinavapi Chibaya (80), vakatsinhira nyaya iyi vachiti: “Ndakashevedzwa nemukuru wechikoro VaMapira ndikanoona mwana achiita seaipenga. Vakuru vedzidzo vakazouya vakatora maticha matatu aitaurwa nemwana uyu vakaenda navo. Takawana pava nemaporofita, hatizive kuti vakauya nani. Ndinoziva kuti dambudziko iri rakamboitika kuNhowe, Nyava nedzimwe nzvimbo, imhepo dzinodariso.

“Nyaya inondinetsa ndeyekuti pachikoro apa pane vadzidzisi 25, pakadomwa vatatau chete, ndivo vane munyama wakaita sei?”.

Mukuru wechikoro ichi, VaJoseph Mapira, vakati havataure nevatori venhau.
“Ini handina mvumo yekutaura nemi, endai kune vakuru vangu vakauya pano musi uyu. Endai paNdodahondo Building, kuBindura monoona DEO wedu, handigone kukupai zita rake,” vakadaro VaMapira. Vamwe vabereki vanoti vave kutya kuti vana vavo varambe vachidzidza pachikoro ichi.

Share This:

Sponsored Links