Mamiriro akanga akaita bvunzo

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi nekupedzisa mamiriro akanga akaita bvunzo dzaMbudzi 2016 Shona pepa 2.

Chikwata C

12. Ndezvipi zvidzidzo zvishanu zvinowanikwa muna Ndiko Kusasana? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

13. Tsanangura zvinhu zvishanu zvakaipa zvinoitwa navanatete vamazuva ano wakanangana nevari muna Ndiko Kusasana?

Nyora zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana muna Ndiko Kusasana? Uchitsigira chidzidzo chega chega nezvinoitika munyaya iyi. [25] Mubvunzo uyu hauna kusiyana nemubvunzo 12. Ndiwo watakabudisa tichibatsira vana kuita ongororo yezvidzidzo zvemuna Ndiko Kusasana? Zvino wakabva wangodzoka wakadaro. Takanga takaisa zvidzidzo zvacho pazasi pawo.

Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa navanatete zvinoparadza imba yaMugadzi naSekai muna Ndiko Kusasana? [25] Mubvunzo uyu hauna kunyanya kusiyana nemubvunzo 13 pamabvunzirwo awo nemhinduro yaunoda. Mukanyatsozvitarisisa munoona kuti mhinduro yemubvunzo uyu inokwanisazve kupihwa pamubvunzo 13 nekuti vanatete vari kurehwa ava vaviri; Mai Gatsi naFadza vanove vanoita zvakaipa zvekuputsa imba yaSekai naMugadzi. Zvakaipa zvinoitwa navanatete ava kuparadza musha wevazukuru vavo.

14. Budisa zvizere unhu hwevatambi vanotevera vari muna Makunun’unu Maodzamwoyo;

(a) VaChingweru,

(b) VaMushayazano,

(c) Mujubheki,

(d) Tendai,

(e) Monika.

15. Pamadingindira anotevera sarudza mashanu chete ugotsanangura kuti anoburitswa sei muna Makunun’unu Maodzamwoyo.

(a) Utsinye

(b) Rudo

(c) Kuzvarira mwanasikana

(d) Kutanda botso

(e) Upfumi

(f) Urwere

(g) Kukosha kwevana

Sarudza vatambi vashanu vari muna Makunun’unu Maodzamwoyo ugojekesa unhu nezviito zvemumwe nemumwe wavo. [25] Mubvunzo uyu wakati siyanei zvishoma nemubvunzo 14 pakuti iwo wabatanidza zviito neunhu. Zvaida mudzidzi anokwanisa kupatsanura unhu hwevatambi kubva kuzviito zvavo achipa tsigiro dzinogutsa.

Ndeapi madingindira masere ari kuburitswa muna Makunun’unu Maodzamwoyo? Tsigira semabudiro awo. Mubvunzo uyu hauna kunyanya kusiyana nemubvunzo 15. Wakabuda muchikamu chino vana vasati vanyora bvunzo dzeZimsec dzekupera kwegore. Mamwe emadingindira atakavapa ndeaya: rudo, tsika yekuzvarira vana, urwere neupfumi.

Zvinofadza chose kuona kuti chishuwo changu chekubatsira vadzidzi veShona O-Level kuti vanzwisise mamiriro emabhuku enganonyorwa nenhetembo chiri kuzadziswa zvishoma nezvishoma kuburikidza nebepanhau reKwayedza.

Tarisiro yangu ndeyekuti mwana wese anobva kuchikoro afarire uye adade nemutauro wedu werurimi rwaamai nekuti rwunotapira. Pasina mutauro hapana budiriro naizvozvo kuziva mutauro wako chinhu chakakosha zvikuru kuti unzi uri munhu. Mabasa akaita seaya anoda kutendwa nekuti anosimudzira upenyu hwevazhinji.

 Nhare: 0772 610 360 Email: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>