Mamiriro ebvunzo

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza —
KUNE avo vese vari kuita zvidzidzo zvavo zvechiShona neboka rinotungamira mune zvebvunzo reZimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) padanho rino panonyorwa mapepa maviri chete.

Kune pepa rekutanga (3159/1), rine zvikamu zvitatu chete rinonyorwa kwenguva inokwana maawa maviri. Chikamu chekutanga chinenge chine mibvunzo yerondedzero inokwana kuita mishanu apo munyori anofanira kusarudza mumwe chete kubva pane inenge yakapihwa inonyorwa muchiShona chamandorokwati iri rondedzero, hurukuro kana tsamba ina mapeji anokwana matatu uye mubvunzo mumwe nemumwe uri muchikamu ichi unotakura zvibodzwa zvinokwana makumi mashanu. [50 marks]

Muchikamu cherondedzero munotarisirwa kuziva mazwi anobatanidzwa neanopatsanurwa, zviperengo zvakanaka, kugona kuronga nyaya, kushandisa mutauro weShona wakazara pasina chiRungu, kushandisa zvirungamutauro zvingave tsumo, madimikira, nyaudzosingwi kuitira kuti chinotaurwa chinyatsobuda pachena.

Zvakanaka kusarudza musoro werondedzero waunoona kuti unogona kuunyora zvakanaka kwete kuzofunga zvekushandura musoro werondedzero wave pakati pebvunzo.

Muchikamu chepiri mune zvirungamutauro zvine zvibodzwa zvinokwana makumi maviri, asi pamibvunzo inopiwa muchikamu chino zvakare unotenderwa kusarura yakakupfavira pane inenge yakapiwa. Chikamu chekupedzisira chinenge chine nzwisiso nepfupiso. Mibvunzo yenzwisiso inopindurwazve nechiShona chakanaka, uye chikamu ichi chinopindurwa nemunyori wese webvunzo dzeShona padanho rino. Nzwisiso ine zvibodzwa makumi maviri, ukuwo pfupikiso ine gumi, zvese zvibodzwa zvechikamu ichi zvinobva zvasvika pamakumi matatu. Kupepa iri mibvunzo yese inofanira kupindurwa nechiShona chete. Pepa rese iri rine zvibodzwa zvinokwana zana [100 marks].

Kupepa rechipiri (3159/2) kune zvikamu zviviri, chemutauro necheuvaranomwe. Vanyori vanosungirwa kupindura mibvunzo inokwana kuita mishanu chete kubva pane inenge yakapiwa. Muchikamu chemutauro munopindura mibvunzo miviri chete kubva paina inenge yakapiwa. Mubvunzo mumwe chete muchikamu ichi unotakura zvibodzwa gumi nezviviri nekachidimbu.

Zvino, kana ichinge yakwana miviri inobva yasvika pazvibodzwa makumi maviri nezvishanu [25 marks]. Chikamu chechipiri ndecheuvaranomwe chinopatsanurwa kuita zvikwata zvitatu. Chikwata chekutanga (A) chine mibvunzo mitatu yakanangana nenhetembo dzaunenge wakanzi uverenge, apa unopindura mubvunzo mumwe chete waunoona kuti unenge wakakurerukira, uye mibvunzo yese ine zvibodzwa zvakafanana zvinokwana makumi maviri nezvishanu [25 marks].

Chikwata chepiri (B) chine mibvunzo mina yakanangana nemabhuku engano dzepasichigare apo bhuku rimwe nerimwe rinogoverwa mibvunzo miviri ine zvibodzwa zvakafanana zvinoita makumi maviri nezvishanu [25 marks]. Muchikwata chino unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete pasina kukundikana.

Chikwata chekupedzisira (C) chinotakura mibvunzo mina yakanangana nemabhuku ane nyaya itsva apo bhuku rimwe nerimwe rinogoverwa mibvunzo inokwana kuita miviri ine zvibodzwa zvakaenzana zvinosvika makumi maviri nezvishanu [25 marks]. Vanyori vanotenderwa kupindura mubvunzo mumwe chete muchikwata chino. Pepa rese iri rine zvibodzwa zana [100 marks].

Kubva pane zvamaona mukupatsanurwa kwechidzidzo ichi, chikamu cheuvaranomwe ndicho chinotakura zvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe zvese nekuti chine (75%) dzezvibodzwa zvinowanikwa kupepa rechipiri (2). Nekudaro, zvese zvinosanganisa chikamu cheuvaranomwe, ndizvo zvamanga muchidzidziswa mugwaro rino kubva kwekutanga kusvika kuno kumagumo, saka harifaniri kuva dambudziko kutora zvibodzwa zvese zvekuuvaranomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey