Mamiriro echibage pari nhasi

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mamiriro echibage pari nhasi

Kwayedza

Charles Munyoro—

TINOKUTENDAI varimi nekukwanisa kudyara zvirimwa zvenyu zveZhizha nenguva. Gore rino mvura iri kunaya zvemandorokwati zvekuti mbeu dzedu dzakabuda zvinoyevedza.

Zvakadaro, mbeu dzedu dzakamira zvakasiyana-siyana nezvikonzero zvakawandawo.

Nhasi tombotarisana nemamiriro akaita chibage chedu.

Mamiriro echibage nekuchiriritira:

Mbeu dzechibage zhinji dziri kuyevedza zvikuru nekuda kwekunaya kuri kuita mvura. Mvura iri kunaya zvekuti haisi kupa mukana wekuti pasi paome. Asi mvura iyi iri kupa mukana wekuti mabasa anoda kuitwa aitwe mangwanani yozotanga kunaya kana kwati dziyei.

Mabasa atinofanira kubata ndeanoti kudyara kune vakanonoka kudyara, kusakura nemapadza kana kuti nemishonga yesora, kufirita mishonga yezvimbuyu kana kuisa mafetereza.

Kune vachiri kudyara chibage, tinofanira kuyeuka kureba kwemwaka wedu. Vane mwaka murefu Natural Region 1, 2 ne3 vanokwanisa kuramba vachidyara zvavo marudzi embeu dzakaita seSc 403 neSc 301. Vari kuNatural Region 4 ne5 mwaka wavo unogona kunge wava kuita mupfupi zvekuti kudyara chibage chinogona kuzotizwa nemvura.

Mvura iri kunayisa iyi inoreva kuti fetereza yepamusoro inoda kututsirwa kana kuti inoda kuiswa muzvidimbu zviviri. Mvura yakawanda inoyeredza feteza yepamusoro, kunyanya muvhu reshapa.

Chibage charimwa muvhu reshapa chinoda kuiswa fetereza yekutanga kana chava nemasvondo matatu kusvika mana chamera tichishandisa kapu nhamba 5 padzinde rega-rega. Tozoisa imwe kapu nhamba 5 padzinde rega-rega kwapera masvondo matanhatu kusvika manomwe chibage chamera.

Muivhu gobvu tinokwanisa kuisa fetereza kamwe chete mumasvondo mana chibage chamera. Tinokukurudzirai kuti mbeu dzenyu dzemwaka murefu, Sc 719 neSc 727, isai fetereza yepamusoro muzvidimbu zviviri zvandataura pamusoro apo chero ivhu riri shapa kana kuti gobvu nekuda kwemwaka wadzo.

Kune chibage chakasakurwa zvakanaka uye chakaiswa fetereza yepasi neyepamusoro nenguva, zviri kunakidza chose. Izvozvi tiri kufonerwa nevakawanda vachiti tiuye kuzoona mbeu dzavo.

Asi kune mbeuwo dzisina kumira zvakanaka nekuda kwemasora. Vari kusakura nemabadza vari kusangana nematambudziko ekuti masora avasakura ari kubata zvakare vabva mukusakura nekuda kwemvura inenge yanaya. Idambudziko guru iri.

Kushandisa mapadza nevashandi zvine dambudziko rekusasakurwa zvakanaka nekufushirwa kwesora zvakare. Apa ndipo patinoona kunaka kwekushandisa mishonga yesora.

Kana murimi ashandisa mishonga yesora mbeu dzisati dzamera, munda wake unoita masvondo anodarika mana musati mava namasora. Kwapera masvondo mana murimi anopinda mumunda make nemishonga zvakare yekuti tusora tunenge twazomera, anobva azotupedzisa.

Mushonga uri kushandiswa nevarimi vakawanda wekumwaya nguva iyi unonzi Stella Star. Kune vanenge vaine masora akaita seShamva grass, vanokurudzirwa kushandisa mushonga unonzi Nicosulfan.

Gore rino chibage chakatanga kudyarwa chakasangana nemakonye anodya pamwoyo pechibage. Gonye iri rakasiyana nerukonye rwatagara tichiziva.

Riri kutanga kudya chibage chichiine mashizha mana chaiwo.

Gonye racho riri kuramba kufa nemishonga zviri nyore. Varimi vari kushandisa mishonga yakasiyana-siyana pakuyedza kuuraya gonye iri.

Varimi vari kufirita kakawanda kuti vari kurire.

Mimwe yemishonga iri kushandiswa inonzi: Fortis/Lambda, Blast Super/Lambda, Karate Zeon/Lambda, Bulldock, Em Benzoate, Acol Lambda, Fastac, Dipterex neThionex.

Tinokurudzirwa kuti tishande nevarimisi vedu veAgritex, varimisi vePlant Protection, varimisi vemakambani emishonga nesu veSeed Co kuti tirwise gonye iri.

Chiziviso chinoti munyika yatakavakidzana nayo yeZambia, gonye rinonzi Armyworm ranetsa zvikuru saka tinokurudzirwa kuti tipinda muminda medu tichitarisa nguva nenguva makonye aya. Kana taaona, ngatimhanyei kuvarimisi veAgritex vari pedyo nesu kuti tiuraye makaonye aya.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . .Kuti mbeu ndokuti Seed Co.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey