Mamiriro ekunze

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Mamiriro ekunze

Kwayedza

MVURA yakanaya kunzvimbo zhinji dzenyika kubva musi wa8 kusvika 15 Mbudzi uye yakawanda yacho yakanaya kumatunhu anoti Manicaland neMasvingo.Dzimwe nzvimbo dzakawana mvura yakawandisa dzinosanganisira Harare International Airport iyo yakawana 67mm, Mukandi (64mm), Mhondoro (57mm), Kutsaga (55mm), Chisengu (52mm), Kezi (32mm), Buhera (28mm), Mvurwi (27mm), Henderson (26mm), Chibhero (25mm), Chisumbanje (23mm), Nyanga (23mm), Mutare (23mm), Gweru (21mm), Kadoma (20mm), Karoi (19mm), Tsholotsho (18mm) neChinhoyi (17mm).
16 Mbudzi kusvika 22 Mbudzi:
Mvura inotarisirwa kuramba ichinaya zvakanyanya zvekusvika kana kudarika 40mm mukati memaawa 24 kumatunhu akawanda enyika.
Matunhu aya anosanganisira Matabeleland North, Midlands, Mashonaland neManicaland. —Met Department.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey