MAMIRIRO EKUNZE

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
MAMIRIRO EKUNZE

Kwayedza

13 Zvita – 18 Zvita 2016

MVURA inotarisirwa kunaya panguva iyi.

Kuchange kuine makore nemwando unopisa kuchinaya munyika yose. Mvura zhinji inotarisirwa kunaya kumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland East, Matabeleland South nedzimwe nzvimbo dzekuMasvingo.Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare vakangwarira mafashamu emvura, zvikuru vari kunzvimbo dzakaderera pamwe nechimvuramahwe nemhepo inenge iine dutu guru.

Pamusoro pezvo, vanhu vanoyambirwa kuti vasahwande mvura pasi pemiti kana mvura ichinaya iine mabhanan’ana, kumisa motokari dzavo pasi pemiti zvakare, kugeza kana kubika chaiko kana kuchinaya.

Vatyairi vemotokari vanofanirwa kungwarira kana vari mumigwagwa inenge ichitsvedza.

Kana nzizi dzikazara nemvura, veruzhinji nevatyairi vedzimotokari vanokurudzira kuti vasaedze kuyambuka asi kuti vamirire kusvikira mvura iyi yaserera kana kushandisa mimwe migwagwa inenge isina njodzi yekuzara kwenzizi. — Met Department.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey