MAMIRIRO EKUNZE

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
MAMIRIRO EKUNZE

Kwayedza

MVURA yakawanda iri kuramba ichinaya munyika. Zvisinei, kuMasvingo neMatabeleland South mvura iri kunaya ishoma kana zvichienzaniswa nekune mamwe matunhu.Mvura yakawanda yakanaya zvekudzika pasi kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira Chisengu (113 mm), Kariba (93 mm), Gokwe (62 mm), Tsholotsho (39 mm), Wedza (39 mm), Mutare (38 mm) neKaroi (33 mm).

28 Zvita 2016 – 1 Ndira 2017

Panguva iyi mvura inotarisirwa kunge ichinaya kumatunhu anosanganisira Matabeleland North neSouth neMasvingo kubva musi wa28 Zvita kusvika 31 Zvita 2016. Mvura inotarisirwa kunaya yakawanda zvekudzika pasi kubvira pa20 mm kudarika 50 mm mukati memaawa 24.

Veruzhinji vacharamba vachiziviswa nezvemamiriro ekunze panguva dzakakodzera.

Kana mvura ikanaya sezviri kutarisirwa, zvinoreva kuti nzizi nemadhamu kumatunhu akasiyana enyika zvichawana mvura yakati wandei. — Met Department.

Share This:

Sponsored Links