MAMIRIRO EKUNZE

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
MAMIRIRO EKUNZE

Kwayedza

4 Ndira — 10 Ndira

MVURA inotarisirwa kunaya iine chimvuramabwe pamwe nedutu guru kumatunhu ari pakati penyika nekumabvazuva kweManicaland.Kune dzimwe nzvimbo dzenyika, mvura inotarisirwa kupfunha-pfunha nguva nenguva.

Yambiro:

Kana mvura ichinaya zvakanyanya uye kukaita mafashamu, kana zvichikwanisika garai mumba uye musaende mumigwagwa, musadarika nzizi dzinenge dzakazara nemvura kana kuti mvura painenge yakadzika zvekudarika mumabvi enyu.

Musatyaire motokari muchidarika mugwagwa unenge wakazara nemvura nekuti hamuzive kuti inenge yakadzika zvakadini uye dzimwe nguva mugwagwa unenge usisipo wayeredzwa nemvura. Ivai makangwarira panguva yehusiku sezvo pachiita dambudziko rekuti mukwanise kuchimbidza kuona njodzi yemafashamu. Kana mvura ikanaya iine mabhanan’ana zvikuru, tsvagai pekuhwanda asi musahwande pasi pemiti, pasi pemapango anotakura tambo dzenhare kana dzemagetsi, pamusoro pegomo kana imwewo nzvimbo inenge iri payo yoga. Met Department.

Share This:

Sponsored Links