MAMIRIRO EKUNZE

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
MAMIRIRO EKUNZE

Kwayedza

MVURA yakanaya zvikuru kunzvimbo zhinji dzenyika kubva musi wa1 Ndira kusvika 9 Ndira.
Mvura iyi inotarisirwa kuramba ichinaya ichidzika pasi zvekusvika 50 mm mukati memaawa 24 kumatunhu mazhinji enyika kusvikira musi wa17 Ndira 2017.Mapurovhinzi eMashonaland anotarisirwa kunaya mvura yakanyanya inodzika pasi zvekudarika 60 mm.
Nzvimbo zhinji munyika kusvika pari zvino dzawana mvura iri pakati nepakati neinoraudzira.
Zvisinei, kuMasvingo neBeitbridge kune dzimwe nzvimbo dzisati dzawana mvura yakaringana.

9 Ndira – 15 Ndira 2017Panguva iyi mvura inotarisirwa kunge ichinaya. Mvura ichange ichinaya zvikuru kumusoro kwenyika (north) pamwe nekune nzvimbo dziri nechepakati peZimbabwe.
Njodzi yemafashamu ihuru kune mamwe matunhu enyika panguva iyi. — Met Department.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey