Mamwe mabasa emuChirimo

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Charles Munyoro —
TASANGANAZVE munhau dzevarimi idzo dzakanangana nekuedza kuvandudza mabasa edu nechinangwa chekuti sevarimi tiwane pundutso. Mwaka wapfuura wakava nebudiriro huru kuvarimi vazhinji avo vakatevedzera nzira dzakanaka dzatinokurudzirwa nevarimisi vedu veAgritex nevemakambani akaita sesu veSeed Co.

Iwoyu mwaka wakaita mvura yakawanda chaizvo zvokuti varimi vazhinji vakakohwa pakuru. Vakakohwa pakuru ndeavo vakawanikwa nemwaka uyu vakaongororesa ivhu ravo navana mazvikokota, vakashandisa fetereza yeLime yavakakurudzirwa, vakadyara mbeu dzavo nekukurumidza, vakaisa mafetereza ane huwandu hunokurudzirwa, vakadzokorora kuisa fetereza yepamusoro mushure mukunge mvura yanaya yakawandisa, vakashandisa mishonga yesora inodiwa, vakarwisana nerukonye chaizvo uyezve vari kukohwa nenguva yakafanira.

Nguva ino varimi vazhinji vanotarisirwa kunge vapedza kukohwa goho ravo vatorirongedza mumatara kana mumatura. Vashoma ndivo vachiri kukohwa nokuda kwehunyoro hwakawandisa.

Zvino tava kuda kuchengetedza mbeu dzedu zvakakwana kuti tisarasikirwe negoho ratakawana iri. Mbeu yakaiswa mudare kana kuti mungarani, umu munofanira kunge muchipinda mhepo yakawanda kuitira kuti goho redu rikurumidze kuoma tigozoritokonora. Tinofanira kutokonyora chibage chedu chasvika hunyoro hunoita 12.5%.

Kuti muzive kuti mbeu yedu yasvika 12.5%, endesai mbeu yenyu kuGMB iri pedyo nemi inoongororwa. Mbeu inoda kuiswa mudura yava pa12.5% hunyoro zvichidzika kuti isaora. Mbeu ikaora, inoita kuti pave nekudziya. Kudziya uku kunoita kuti pabude kamwe kanokwezva zvipfukuto kuti zvinzwe kunhuwa kwechibage ichi, zvobva zvapinda muchibage chenyu.

Musati maisa mbeu mudura, tangai masakura pakatenderedza dura renyu muchibvisa sora nechibage chakarasika-rasika. Tapedza kusakura, tochitsvaira dura redu pasi nemadziro nemvura kana mutsvairo wakasimba.

Kana dura rachena, ngatiripfapfaidzei kana kurimwaya mishonga inokurudzirwa. Sanganisai mbeu yenyu nemushonga wezvipfukuto. Bvunzai vemakambani emishonga vakupei mazano nemashandisirwo ayo.

Yambiro yangu ndeyekuti kune chipfukuto chitsva icho chinodya chibage zvekusiya hwava hupfu chaihwo. Chipfukuto ichi chinonzi Larger Grain Borer.

Chipfukuto ichochi chine kumuromo kunoita sekune nyanga. Naizozvo mushonga wamuchashandisa uyu unofanira kuuraya nekudzivirira chipfukuto ichi nenguva yakatarwa. Kunezve mishonga yekupfapfaidza inogona kushandiswa chibage chisati chapurwa sezvo zvipfukuto zvichigona kutangira kudya mbeu ichiri mumunda.

Mashanga amunenge makakohwa zvirimwa zvenyu chikafu chakakosha zvikuru kumombe dzenyu. Vakayi madara ekuturika mashanga aya mozopota muchipa mombe apo mafuro anenge asisina huswa hwakakwana. Munogona kuzoisa munyu mumvura momwaya mumashanga aya kuti mombe dzikwanise kuadya zvakanaka.

Mashanga enzungu neesoyabhinzi ane kudya kwakawanda kudarika echibage kumombe. Ngatiaisei mumatanga kuitira kuti kana akazotsikwa-tsikwa anozotipa manyowa.

Kana takohwa ngatitorei ivhu redu rinoongororwa naana mazvikokota. Ivhu rinoongororwa kwapera makore matatu. Rinoda kuoongororwa kuti PH (kuvava nekutonhora kwevhu) nehuwandu hwechikafu muvhu (NPK) zvakamira sei. Izvi zvinoita kuti muzoisa Lime nemafetereza anodiwa nevhu renyu.

Pakutora ivhu, varimi munokurudzirwa kuti muwane ruzivo rwakakwana kubva kuvarimisi venyu veAgritex, varimisi vemakambani efetereza kana varimisi vembeu. Mamwe emakambani anoongorora ivhu ndeanoti Soil Chemistry Research, Windmill, ZFC, Omnia neAglab. Kana ivhu raoongororwa, ngatimwaye Lime mumunda tobva tairimira pasi nguva ichiripo.

Kukurumidza kurima kunoita kuti mashanga nehuswa hwakasara mumunda zvirimirwe pasi. Kana zvarimirwa pasi, ivhu redu rinobva ravandudzwa uyezve chikafu chemuvhu chinovandudzwawo. Zvadai, ivhu redu rinobva rasimba zvekuti harichatorwa nemhepo kana nemvura (wind and water erosion).

Kwanhasi tombomirira pano. Kuti Seed Co ndokuti mbeu, kuti mbeu ndokuti Seed Co.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey