Maneja akabhinya murwere wepfungwa

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Maneja akabhinya  murwere wepfungwa court

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Maneja wevashandi (human resources manager) pakambani yeHunyani Holdings anonzi akabata chibharo mumwe mukadzi anorwara nepfungwa pazororo reKirisimasi. Thembelihle Brian Ncube (47) akamiswa pamberi pamutongi Rumbidzai Mugwagwa uye ari kutongwa achibva mutirongo mushure mekunge dare ramuti akumbire bhero kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa anoti Ncube akaenda pavheranda rechimwe chitoro chiri kuSoutherton, muHarare apo painge parere mukadzi uyu ari mangwanani apo akatanga kushinha naye pajekerere.

Izvi Ncube anonzi akazviita pasina kuwirirana nemukadzi uyu asi midzimu yake yakadimbura mbereko sezvo akaonekwa neveruzhinji ari mushishi kumubata chibharo vachibva vanyeurira mapurisa zvikaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links