Mangwiro muKepekepe akazara: caps

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Mangwiro muKepekepe  akazara: caps

Kwayedza

25092014KWA-MAI-HAR-24CHIKWATA cheCAPS United chinoti murairidzi wacho Taurai Mangwiro muKepekepe akakwana uye akazvipira pabasa rake rekuchibatsira kurwira mukombe weCastle Lager Premiership.
Izvi zvinotevera chiitiko chesvondo radarika apo Mangwiro akapotswa aitwa kanyama-kanyama nevamwe vatsigiri veCAPS United mushure mekunge chikwata chavo chaita mangange 0-0 neHow Mine.

Vatsigiri ava vaipomera Mangwiro mhosva yekukundiswa chikwata chavo vachiti aiita izvi nechinangwa chekuda kubatsira Dynamos FC iyo yaakambotambira kare kuti ihwine mukombe

Vamwe vatsigiri veCAPs United vane pfungwa dzekuti Mangwiro haana hanya mubasa rake uye mwoyo wake wakarereka kuDeMbare.

Zvakadaro, CAPS United yakaramba zvikuru kuti mhirizhonga iri kuitika kumitambo yayo iri kubva kuvatsigiri vayo ichiti iri kukonzerwa nevatsigiri veDynamos FC.

Mukushi wemashoko weCAPS United FC, Joyce Kapota, anoti ane fungidziro huru yekuti nhubu idzi dziri kutumidzirwa kubva kuDynamos kuzokanganisa mitambo yavo nekuti vanenge vachiimba zita raMangwiro pese vachiti “mwana wavo”.

Anoti Kepekepe yakamira naMangwiro panguva yeAsiagate yakamubatsira kumuchenura zita rake uye parizvino ndiyo iri kuraramisa mhuri yake.

“Vatsigiri veDynamos chavasingazive ndechekuti Mangwiro akazvipira kuCAPS United muKepekepe akasimba uye anoziva basa rake.

“Akabva kuDynamos kare saka isu tinoshaya kuti vatsigiri vechikwata ichi sei vachiuya kuzoita nyonga-nyonga kumitambo yedu vachiimba zita raMangwiro.

“Hapana murairidzi asingade kuhwina mikombe uye hapana anotsvaga basa kuti azokundwe saka zvakashata zviri kuita nhubu idzi, dziri kuuya kuzokonzera mhirizhonga kumitambo yedu.

“Tisu takamira naMangwiro panguva zvinhu zvainge zvakamuomera panhau yeAsiagate uye tisu tiri kuraramisa mhuri yake saka hapana paangazodyise chikwata kuti abatsire Dynamos ihwine. Isu tiri kutorwirawo ligi uye tinoziva kuti tikahwina mitambo yedu yasara tichaihwina,” akadaro Kapota.

Zvakadaro, sachagaro weDynamos FC Kenny Mubaiwa anoti mashoko enhando anotaurwa neCAPS United kuti vatsigiri vavo vari kunokonzera mhirizhonga kumitambo yeKepekepe.

Mubaiwa anoti Kepekepe iri kutsvaga kuda kusvibisa zita reDeMbare chete.

Anoti vatsigiri veCAPS United ndivo vane hunhu hwekuuya kumitambo yavo kuzobatsira kutsigira Highlanders pose apo Bosso inosangana neDeMbare.

“Isu kumhuri kwedu kuDeMbare hatiite kahunhu kakashata kudaro, isu tine basa nenhabvu yedu chete.

“Vave kungotsvaga kutisvibisawo chete apa, ivo ndivo vane tsika yekuuya kuzobatsira kutsigira Bosso pese patinosangana nayo,” akadaro Mubaiwa.

Zvisinei, Mubaiwa akakurudzira chikwata chavo kuti chisunge dzisimbe apo ligi rePSL rave kuzopinda mugiya dzvuku.

Mubaiwa anoti anoda kuti DeMbare gore rino ihwine ligi zvine mutsindo kwete zvegoal-difference zvayange ichiita makore adarika.

“Gore rino tiri kuda kuhwina zvinonwisa mvura, zvine mutsindo kwete zvatange tichiita mamwe makore adarika.
“Chikwata chedu tiri kuchisimbisa uye tiri kuedza nepatinogona kusimudzira morari yavo saka hapana chinotitadzisa kuhwina,” akadaro Mubaiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>