‘Manyuchi igamba’

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Manyuchi igamba’ Charles Manyuchi (ari pakati) akamomoterwa nevatsigiri vake musi weMuvhuro svondo rino apo aive akabata bhande raakahwina ari panhandare yendege yeHarare International Airport achangobva kusvika kubva kuRussia. Mufananidzo: Kudakwashe Hunda

Kwayedza

Charles Manyuchi (ari pakati) akamomoterwa nevatsigiri vake musi weMuvhuro svondo rino apo aive akabata bhande raakahwina ari panhandare yendege yeHarare International Airport achangobva kusvika kubva kuRussia. Mufananidzo: Kudakwashe Hunda

Charles Manyuchi (ari pakati) akamomoterwa nevatsigiri vake musi weMuvhuro svondo rino apo aive akabata bhande raakahwina ari panhandare yendege yeHarare International Airport achangobva kusvika kubva kuRussia. Mufananidzo: Kudakwashe Hunda

VATSIGIRI vetsiva svondo rino vakarumbidza zvikuru Charles Manyuchi nekunyora kwaakaita nhorowondo yake mumutambo uyu mushure mekuhwinha bhande reWorld Boxing Council Welterweight Silver Tittle apo akunda Dmitry Mikhaylenko wekuRussia, kuRussia svondo radarika.

Shasha dzekubheja mitambo yetsiva pamwe nevatsigiri vazhinji vekuEurope vakange vakaisa tariro yavo panaMikhaylenko vachifunga kuti ndiye aizohwina bhande iri izvo zvisina kuzoitika.

Kwayedza yakaita hurukuro nevatsigiri vetsiva avo vari kupemberera zvikuru zvichitevera kusimudzirwa kwakaitwa mureza wenyika naManyuchi.

Aimbove munyori mukuru (secretary-general) wesangano reZimbabwe Boxing Board of Control, Gilbert Munetsi, anoti makambani akawanda anofanirwa kutsigira mutambo uyu kuti pave nevatambi vakawanda vakaita saManyuchi.

Munetsi anoti kukunda kwakaita Manyuchi kuRussia kunorakidza kuti tarenda rizere muZimbabwe uye kana pakawana vatsigiri mutambo uyu unosimukira zvakanyanya.

“Nyaya yemari ndiyo inodzorera tsiva kumashure muno, asi Manyuchi akashanda zvakasimba kuti asvike paave apa kunyangwe hazvo zvinhu zvainge zvakaoma.

“Masangano akasiyana anofanirwa kubatana kudira mari kuti tisimudzire tsiva. Tinoda kuona Manyuchi achirwira kuchengetedza bhande rake muno kwete kuEurope nekuti uko anogona kubirirwa.

“Tikashanda zvakasimba tinoda kuona dzimwe shasha dzichibuda muno dzichisimudza mureza wenyika,” anodaro Munetsi.

Sachigaro weZimbabwe Boxing Association, Bathlomew Dendere, anoti anopa kutenda kukuru kugurukota rezvemitambo Cde Makhosini Hlongwane avo vakashanda nesimba mukuumbiridza hukama hwaManyuchi nemapuromota ake eOriental Quaries ekuZambia panguva iyo hwakange husina kumira zvakanaka.

Dai pasina kupindira kwaCde Hlongwane, Manyuchi akange ave pedyo kutorerwa bhande rake raaive naro reWBC Welterweight Bronze uye kana mukana wekukwikwidza svondo radarika aisambouwana.

“Gurukota redu Cde Hlongwane vakamhanya-mhanya zvikuru kuumbiridza hukama hwakange hwafa pakati paManyuchi nemapuromota ake ekuZambia. Dai vasina kupindira tisiri kupemberera zvatiri kuita nhasi uno.

“Manyuchi akazviita zvakare, nhasi tiri kupemberera mwana wedu akadadisa uyu. Kuhwina kwaakaita kuchabatsira zvikuru kusimudzira vamwe vatambi kuti vatevera matsimba ake,” anodaro Dendere. Puromota wetsiva arizve maneja wevatambi vetsiva vakawanda, Clyde Musonda wesangano reDeltaforce Boxing, anoti kuhwina kwaManyuchi kwakakosha zvikuru mukusimudzira mutambo uyu uye anovimba kuti izvi zvichakwezvawo vakotsveri.

“Iye zvino ndofunga kuti vakotsveri vachatanga kuona kuti tsiva mutambo une mukurumbira uye vachatanga kudira mari. Kuhwina kwaManyuchi kwakanakira vechidiki vari kusimuka nekuti vachatanga kuwaniswa mukana wekuti vakure uye ramangwana ravo rigobikwa,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey