MAONERE EDU: Ipa murwere rudo netsitsi

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
MAONERE EDU: Ipa murwere rudo netsitsi

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoratidza musiyano mukuru uripo pakati pevarapi — vanamukoti nemadhokotera — vemazuva ano nevakare.

Nyaya iyi ndeyaMbuya Serina Maurikira, avo vanoti vakashanda kwemakore anodarika 20 vari mukoti.

Sekutaura kwaMbuya Maurikira, pane musiyano mukuru pakati pevarapi vanhasi nevenguva yavo.

Ichokwadi kuti pasi rapinduka uye vanhu vanofanirwa kufambirana nenguva, asi pane zvinhu zvinotarisirwa kubva kumukoti kana dhokotera, izvo zvisingasanduki.

Zvimwe zvezvinhu zvinotarisirwa kubva kuvarapi ndezvinoti tsitsi, rudo nekuve neshungu pabasa chinangwa chiri chekukoshesa upenyu. Izvi hazvisanduke! Asi tikanyotsodzamisa pfungwa tinoona kuti havazi vanamukoti kana kuti machiremba ose vane rudo, tsitsi kana shungu pabasa chinangwa chiri chekuti murwere ararame.

Kune vamwe vekuti murwere anotoshamiswa kuti akapinda sei basa rekuti azove murapi nekuda kwehunhu hwake.

Pane vamwe vanamukoti vanotozivikanwa nekuchenamira varwere zvekuti murwere anogona kupihwa rekufuga nerekuwarira izvo zvinotozowedzera marwadzo ake.

Sekutaura kwaMbuya Maurikira, kune vamwe nhasi uno vari kupinda basa rekurapa, kwete nekuti vane chido naro asi nekuti vanenge vachida mari. Mabasa ari kunetsa kuwana nekudaro vamwe vanopedzisira voita makosi avanenge vasingade.

Asika, zvakakosha kuti kana munhu wafunga zvekuve mukoti kana kuti chiremba, unotofanirwa kuzvipira nekuti harizi dambe.

Upenyu hwemunhu hunokosha nekudaro kana munhu ari murapi anofanirwa kuziva kuti akaita zvedambe kana musara, murwere anokwanisa kurasikirwa neupenyu.

Mazuva ano kune vamwe varapi vanoita basa ravo vachitotaura nevamwe vanhu panharembozha kana kuti vari paWhatsApp.

Vakadai ava havatomboona kuipa kwazvo asi zvine njodzi huru sezvo murapi anogona kunyora zvisirizvo pakadhi remurwere kana kumupa mishonga isiriyo nekuti pfungwa dzake dzinenge dzisiri pabasa.

Kune vamwe varapi zvakare vanonzi vanosvika pakurova varwere vachiti vanenge vanetswa. Nguva yadarika, pane nyaya yakabuda munhau yemumwe mukoti wechirume wepachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, uyo ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo murwere apo aive muwadhi achirapwa. Nyaya dzakadai dzinotyisa nekuti unobva wazvishayrwa pazvo. Zvakare, vanamukoti nemadhokotera vanosvika panguva yavanoramwa mabasa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Hongu, inogona kunge iri kodzero yavo yekuramwa mabasa, asiwo zvinoisa upenyu hwevarwere panjodzi.

Zvakakosha kuzivawo kuti kune vamwe varapi nhasi uno vari kuita basa ravo zvinodadisa uye chishuviro cheveruzhinji kuti kudai vakadai vawanda, vane rudo, tsitsi nekukoshesa upenyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>