MAONERO EDU

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
MAONERO EDU

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya iyo inotarisirwa kusimudzira chikamu chedzidzo zvikuru. Iyi inyaya iri pamusoro pekudzidzisa vana kubvira murugwaro rweEarly Childhood Development (ECD) zvidzidzo zvakaita seMathematics neScience nerurimi rwaamai.

Danho iri rinotarisirwa kurerutsira vana kuti vakasike kubata nekunzwisisa zvidzidzo izvi. Sekutaura kwemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, kutanga gore rinouya, zvikoro zvichange zvava kudzidzisa Mathematics neScience nemitauro yerurimi rwaamai inoshandiswa nevana kubvira paECD.

Izvi, vanodaro Dr Utete-Masango, idanho rakananga kusimudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) sezviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Education Curriculum.

Semaonero edu, iri idanho rakakosha zvikuru. Tinodaro nekuti rurimi rwaamai ndiwo mutauro unoshandiswa nevana kubvira vachitanga kutaura vachiri ndumurwa kusvikira pakuyaruka.

Nekudaro, zviri nyore kuti vana vange vachibata nekukasika zvavanodzidziswa pane kushandisa mimwe mitauro sechiRungu.

Kunyangwe kunyika dzakaita seChina neJapan, vadzidzi veko kubvira parugwaro rwekireshi kusvika kumayunivhesiti vanofundiswa pachishandiswa mitauro yavo. Izvi zviri kuona nyika dzakadai dzichibudirira zvikuru nekuti vadzidzi veko vanenge vakarovedzerwa muzvidzidzo zvakadzama kuburikidza nekushandisa mitauro yavanokura vachishandisa.

Kune vamwe vanogona kuona kunge zvisingaite kuti vana vafundiswe Mathematics neScience pachishandiswa mitauro yerurimi rwaamai yakaita seShona neNdebele.

Asi chinobatsira chii kufundisa vana nechiRungu vachitadza kunzwisisa zvavanenge vachidzidziswa pane kushandisa mitauro yavane ruzivo nayo?

Semaonero edu, yakwana nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisandure mafungiro azvo panyaya dzakadai nekuti hatione chakaipa pakudzidzisa vana nerurimi rwaamai.

Vachena vanofundisa vana vavo nechiRungu nekuti ndiwo mutauro wavo nekudaro vanhu vatema vanofanira kudada nemitauro yavowo kwete kuitarisira pasi. Hatizi kuti vana vakadzidziswa chiRungu zvakashata, kwete. Tiri kuti zvakakosha kuti zvidzidzo zvagara zvichigozhera vana zvakaita seMathematics neScience zvifundiswe nemitauro yerurimi rwaamai iyo yavanonzwisisa. Zvidzidzo zviri mumupande weSTEM izvi zvakakosha mukubatsira kusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nekuveko kwemabasa emawoko. Nekudaro zvinoreva kuti kana vana vakazvidzidziswa zvizere uye vachizvinzwisisa kubvira paECD kusvika kuyunivhesiti, panove nebudiriro huru munyaya dzeupfumi hwenyika. Ongororo yakaitwa nanamazvikokota kunyika dzakaita seChina neJapan inoratidza kuti kusimudzirwa kwezvidzidzo zveMathematics neScience kwakabatsira zvikuru mukuvandudza upfumi hwenyika idzodzi. Vadzidzi veSTEM vanokwanisa kuita ongororo inobatsira kuti munyika muve nezvigadzirwa zvitsva zvemishini kana yedzimwe nzira dzingashandiswa mukupedza matambudziko anenge achisangana neveruzhinji. Ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvikuru chiri kuita kuti titambire nemawoko maviri danho ratorwa nebazi redzidzo yemupuraimari nesekondari rekuti zvidzidzo zveSTEM zvifundiswe pachishandiswa rurimi rwaamai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey