MAONERO EDU

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
MAONERO EDU

Kwayedza

Ngwarirai njodzi kana kuchinaya

MWAKA uno mvura iri kunaya zvikuru kumatunhu ose eZimbabwe, izvo zviri kuunza mufaro mukuru sezvo zvichipa munongedzo wekuti gore rino munyika munogona kuve nemaguta.

Zvisinei, mvura iri kunaya iyi iri kuunza mufaro pamwe nekusuwa kune dzimwe nzvimbo.

Kune vamwe varimi vave kutochema-chema vachiti mvura iyi yawandisa izvo zviri kuita kuti zvirimwa zvavo zvinge zvichinyukurwa.

Kunze kwekakugunun’una kari kuitwa nevarimi aka, mvura iri kunaya iyi iri kukonzerawo matambudziko kuburikidza nevanhu vari kuny’ura kana kuyeredzwa nayo.

Vamwe ndivo vari kurohwa nemheni zvakare.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, riri kugara richiyambira veruzhinji kuti vangwarire njodzi dzinogona kuitika munguva ino yekunaya kwemvura.

Asi chinoshamisa ndechekuti zvisineyi neyambiro iyi, kune vamwe vanoisa zvimiti munzeve vachida kuzvionera pamhuno sefodya.

Kune vamwe vanhu vanove nhinhi chaidzo, avo vanoramba vachiedza kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara nemvura vachiisa upenyu hwavo nehwevamwe panjodzi.

Vamwe vatyairi vedzimotokari vanozama kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara nemvura zvekuvhara mazambuko.

Semuenzaniso, nguva pfupi yadarika pane zvizvarwa zviviri zveZimbabwe zvakayeredzwa murwizi rwaLimpopo apo zvaida kuenda kunyika yeSouth Africa zvisiri pamutemo.

Mitumbi yevaviri ava yakaburitswa mumvura nemapurisa ekuSouth Africa pedyo neBeitbridge Border Post uye vamwe vanhu vatanhatu – kusanganisira vana vatatu – vakanunurwa murwizi urwu apo vakange vave kuny’ura vachizama kuenda kunyika iyi zvisiri pamutemo.

Kune vamwe vanhu vari kurohwa nemheni zvakare, inova nyaya inosuwisa zvikuru.

Svondo rapera, kune vanhu vatanhatu vakarohwa nemheni vakafa apo vaive parufu kudunhu raMambo Siachilaba, kuBinga.

Vatanhatu ava vaive vakahwanda mvura pasi pemuti apo vakarohwa nemheni vachibva vangofa.

Semaonero edu, veruzhinji vanofanirwa kukoshesa yambiro inopihwa neveMeteorological Services Department kuitira kuti vachengetedze upenyu hwavo.

Bazi iri rinogara richiyambira veruzhinji kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara pamwe nekuti vasahwande mvura panzvimbo dzakaita sepasi pemiti kana ichinaya iine mabhanan’ana.

Zvinorwadza zvikuru kuona vamwe vachirasikirwa neupenyu nekuda kwenjodzi dzinokwanisa kudziviririka.

Mapurisa anoti gore rapera vanhu vanosvika 80 vakafa mutsaona dzekuny’ura idzo dzaikwanisa kudziviririka.

Upenyu hwakakosha nekudaro ngatihuchengetedzei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>